Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 27:1-25

Mabasa 27:1-25 SCLB

Pazvakanga zvarongwa kuti tinofanira kuenda kuItari nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa mumaoko aJuriasi aiva mutungamiriri wezana wechikwata chamasoja chokwaAgasitosi. Takakwira chikepe chokuAdhiramitimu chakanga chava kuda kuenda kumaguta okumahombekombe eAsia. Takatangisa kufamba nechikepe tichiperekedzwa naAristakusi mugari wokuMasedhonia aibva kuTesaronika. Pazuva rakatevera takandomisa chikepe paSidhoni. Juriasi akabata Pauro zvakanaka. Akamupa mvumo yokuenda kushamwari dzake kuti dzimuwanise zvokurarama nazvo. Takabvapo tikaenda tiri kurutivi runoenda mhepo rweSaipurasi nokuti mhepo yanga yakatarisana nesu. Patakanga tadimura gungwa riri parutivi peSirisia nePamupfuria takasvika kuMira muRisia. Ikoko mutungamiri wezana akawana chikepe chokuArekizandiria chaienda kuItari akatikwidza machiri. Takafamba nechikepe zvishoma nezvishoma mazuva akati kuti tikasvika, kuKinidhosi zvokutovavarira. Mhepo zvaisina kutibvumira kuenderera mberi, takatofamba tiri kunoenda mhepo kweKiriti tiri pedyo neSarimoni. Takafamba pedyo namahombekombe ayo zvokutovavarira. Takazosvika kune imwe nzvimbo inonzi Maturiroakanaka iri padyo neguta rinonzi Rasea. Sezvatakanga tarasikirwa nenguva yakawanda uye rwendo zvarwakanga ruine njodzi uye nokuti nguva yokutsanya yakanga yapfuura, Pauro akavapa zano achiti, “Madzichangamire, ndirikuona kuti rwendo rwedu ruchava nokukuvara uye nokurasikirwa kukuru kwete nenhumbi nechikepe chete asiwo noupenyu hwedu.” Asi mutungamiriri wezana akateerera kune zvemutungamiriri wechikepe nomuridzi wechikepe kupinda zvaitaurwa naPauro. Pamusanawo pokuti panomirira zvikepe pakanga pasingaiti kupedzera nguva yechando varipo, ruzhinji rwakasarudza kuti vabvepo vaende, vachiti zvimwe, vangadaro vakakwanisa kusvika kuFonikisi, nzvimbo inomirwa nezvikepe zveKiriti yakatarisa kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva uye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kuti tigopedzera nguva yechando tiriko. Pakafefetera kamhepo kanobva kumaodzanyemba vakafunga kuti vawana zvavakanga vachida vakasimudza zvinorema zvokumisisa chikepe vakafambisa chikepe vachitevedza Kiriti vari pedyo namahombekombe. Asi pakarepo dutu rinonzi mhepo yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva yakarova ichidzika ichibva nokuKiriti ikoko. Chikepe chakahwetsurwa chikatadza kukunda mhepo tikabva tangoregerawo zvakadaro ndokubva tavakungoendeswa. Takamhanya tiri kwakadzivirwa mhepo nakatsuwa kanonzi Kaudha. Takakwanisa kusungirira igwa zviri zvokutovavarira kwazvo. Vakarikakatira mukati. Vakaita kuti chikepe chinyatsosimba nokusungirira tambo napasi pacho. Pamusana pokutya kuti vangangopinda mujecha ramahombekombe eSiritisi vakaderedza zvinofambisa chikepe, ndokungosundwa zvachowo. Nenzira yokuti takanga tichitomhotswa–tomhotswa zvinotyisa ramangwana acho vakatangisa kukanda zvinhu panze. Pazuva retatu vakakanda panze namaoko avo, zvimwe zvokushandisa pakufambisa chikepe. Kuzoti kwaita mazuva akawanda pasingambooneka zuva kana nyenyedzi, iro dutu richitivhuvhuta zvakaomarara takanga tangobatira ura mumaoko tongoti ndiko kwavakupera uku. Sezvo vakanga vagara kwenguva ndefu vasina chokudya Pauro akauya mberi pakati pavo akati, “Varume mungadai makanditeerera makarega kubva kuKiriti uye mungadai musina kupinda mukukuvara uku nokurasikirwa uku. Ndinokukurudzirai kuti tsungai mwoyo nokuti hapana achafa pakati penyu kusiya kurasikirwa nechikepe, nokuti ihwo husiku hwanhasi uhu mutumwa waMwari wangu wandinonamata akamira pedyo neni akati, ‘Usatye Pauro, unofanira kundomira pamberi paSiza. Chinzwa Mwari akupa vose vauri kufamba navo nechikepe.’ Naizvozvo tsungai mwoyo varume nokuti ndine chivimbo muna Mwari chokuti zvichangoitika sezvandaudzwa.

Verenga chikamu Mabasa 27