Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 22:1-16

Mabasa 22:1-16 SCLB

“Varume hama, nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwandinoita pamberi penyu.” Pavakanzwa kuti aitaura kwavari nechiHebheru vakabva vatonyarara zvikuru. Iye akati, “Ini ndiri muJudha ndakaberekerwa kuTasusi kuSirisia. Asi ndakarerwa muguta rino ndiri mumaoko aGamarieri ndikanyatsodzidziswa kuchengeta nemazvo chaimo mutemo wamadzibaba edu ndiine shungu naMwari sezvamakangoitawo imi nhasi uno. Ndakatambudza venzira iyi kusvika parufu ndichisunga ndichiuisa mujeri varume nevakadzi zvingatopupurirwawo nomupristi mukuru nedare ravakuru vakuru. Ndakatopihwa matsamba navo kune vehama. Ndaienda kuDhamasikusi kuti ndinotora vakanga variko ndichivauisa vakasungwa kuJerusaremu kuti vazorangwa. “Pandakanga ndiri parwendo rwangu, ndavakusvika kuDhamasikusi, kumasikati–sikati, chiedza chikuru chakabva kudenga chikandipoteredza nokupenya kwacho. Ndakawira pasi ndikanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Sauro Sauro uri kunditambudzireiko.’ Ini ndakapindura ndichiti, ‘Ndimi aniko Tenzi?’ Iye akati kwandiri, ‘Ndini Jesu weNazareti wauri kutambudza.’ Zvino avo vakanga vaneni vakaona chiedza asi havana kunzwa izwi rewakanga achitaura kwandiri. Ndakati, ‘Ko ndoiteko Tenzi?’ Tenzi akati kwandiri, ‘Chisimuka uende muDhamasikusi. Imomo uchataurirwa zvose zvawakarongerwa kuti uite.’ Sezvandakanga ndisisaone pamusana pokupenya hwechiedza chiya, ndakatoita zvokubatwa ruoko ndichitungamirirwa navandaiva navo ndikapinda muDhamasikusi. “Mumwe munhu anonzi Ananiya, munamati chaiye waMwari maererano nomutemo, aitaurwa zvakanaka nezvake navaJudha vose vaigara ikoko. Akauya kwandiri akasvikomira pandiri akanditi, ‘Hama Sauro chikwanisa kuonazve.’ ” Ndakabva ndava kuona, ndikamuonawo. Iye akati, “Mwari wamadzibaba edu akakusarudza kuti uzive zvaanoda, uye kuti uone Mururami uyewo kuti unzwe izwi rinobva mumuromo make nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vose uchipupurira zvawaona nezvawanzwa. Pane chaungamirire here?” Chisimuka uombekwe ushambidzwe zvitadzo uchidaidza zita rake.

Verenga chikamu Mabasa 22