Patakanga taparadzana navo tava kuenda nechikepe takangoti tasa kuenda kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRodzi. Patakabvako takaenda kuPatara. Patakawana chikepe chaiyambukira kuFonisia takachikwira tikaenda. Patakasvika pokunge tava kuona Saipurasi takaisiya kuruboshwe toenda kuSiria tikamira paTire nokuti ipapo chikepe chaifanira kututunura zvachainge chakatakura. Patakatsvaka tikawana vadzidzi, takagarapo mazuva manomwe. Vaina Mweya Mutsvene, vakataurira Pauro kuti arege kunge achaenda kuJerusaremu. Pakapera mazuva edu ikoko, takasimuka tikaenda murwendo rwedu. Vakatiperekedza vose namadzimai avo navana kusvikira kunze kweguta. Takapfugama pamahombekombe egungwa tikanamata ndokuonekana. Takazokwira muchikepe, ivo ndokubva vadzokera kumba. Rwendo rwedu rwokubva kuTire rwakapera nokusvika kwatakaita kuToremaisi. Takakwazisa vehama tikagara navo zuva rimwechete. Ramangwana takasimuka tikasvika kuSezaria tikanopinda mumba maFiripi, muparidzi aiva mumwe wavanomwe vaya, tikagara naye. Akanga ane vanasikana vana vasina kuroorwa vaiporofita. Patakamboti garei kwamazuva akati kuti, mumwe muporofita anonzi Agabhusi akadzika achibva kuJudhea. Paakauya kwatiri akatora bhande raPauro akazvisunga makumbo namaoko akati zvanzi naMweya Mutsvene, “Ndiko kusungwa kuchaitwa, navaJudha vokuJerusaremu, muridzi webhande iri vachizomuturira mumaoko evechirudzi.” Patakanzwa izvi, isu pamwechete navanhu vaivapo takamukumbira kuti arege kukwira kuJerusaremu Pauro akapindura achiti, “Ko muri kuiteiko, kuchema muchindibaya mwoyo kudai. Inga wani ndakatogadzirira, kwete chete kusungwa, asi kana kutofira zita raTenzi Jesu kuJerusaremu.” Paakaramba kudzoreka, takarega kutaura tikati, “Kuda kwaTenzi ngakuitwe.” Mushure memazuva iwaya takagadzirira tikakwira kuJerusaremu. Vamwe vadzidzi vokuSezaria vakaenda nesu. Vakatisvitsa kumba kwaMunasoni wekuSaipurasi mudzidzi wapakutanga chaipo ane kumba kwataifanira kundogara. Patakasvika kuJerusaremu vehama vakatigamuchira nomufaro. Pazuva rakatevera Pauro akaenda nesu kuna Jemusi uye vakuru vakuru vose vakanga varipo. Pashure pokuvakwazisa akavarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu zvakaitwa naMwari pakati pevechirudzi nomubasa rake iye Pauro. Pavakazvinzwa vakarumbidza Mwari. Vakamuti, “Unoona here nhai hama, kuti zviuru zvingani pakati pavaJudha vakatenda, vane shungu noMutemo. Vakataurirwa nezvako zvokuti uri kudzidzisa vaJudha vose vari pakati pevechirudzi kuti vafuratire Mosesi, uchivaudza kuti vasadzingise vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. Zvino zvoitwa sei? Vachazvinzwa kuti wakauya. Iwe chiita zvatinokuudza. Tine varume vana vakaita mhiko! Tora varume ivavo uzvichenure pamwechete navo uvabhadharire kuti vaveure musoro vose. Vanobva vaziva kuti zvavanga vachitaurirwa nezvako hapana zviripo asi kuti iwe pachako muupenyu hwako unochengeta mutemo. Asi kune vechirudzi, vakadavira, takavatumira tsamba ine zvatakatema zvokuti vasiyane nezvinhu zvakabairwa zvifananidzo zvokunamata, varege musiya nenyama isina kusinzwa noupombwe.” Pauro akatora varume vaya. Zuva rakatevera akazvichenura pamwechete navarume vaya akapinda muTemberi kundotaura kuti mazuva okuzvichenura kwavo anopera rini nechibayiro chinopirirwa mumwe nomumwe wavo.
Verenga chikamu Mabasa 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 21:1-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo