Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 2:25-41

Mabasa 2:25-41 SCLB

Chikonzero ndechokuti Dhavhidhi achitaura nezvake anoti: “Ndaiona Mwari ari pamberi pangu nguva dzose nokuti ari kurudyi kwangu kuti ndirege kuzunguzwa. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu rwakapembera kufara uyezve muviri wangu uchagara uine chitarisiro. Nokuti hamungasii mweya wangu munzvimbo yavafi kana kurega mururami wenyu achiora. Makandizivisa nzira youpenyu muchandizadza norufaro nokuvapo kwenyu.” “Hama, regai ndikutaurirei zviri pachena nezvaTateguru wedu Dhavhidhi kuti akafa akavigwa uye guva rake tinaro nanhasi uno. Nezvo somuporofita, uye zvaaiziva kuti Mwari akapika nechitsidzo kwaari kuti achaisa mumwe wechizvarwa chake pachigaro chake choumambo, akafanoona akataura nezvokumuka kwaMesia achiti, “Haana kusiiwa munzvimbo yavafi uye muviri wake hauna kuora. “Mwari akamutsa iye Jesu iyeyo, isu tose tiri zvapupu zvaizvozvo. Asumudzirwa kurudyi rwaMwari uye agamuchira kubva kuna Baba chitsidzo chaMweya Mutsvene, adururira zvamurikuona nokunzwa izvi. Chiripo ndechokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga asi iye pachake anototi: “Tenzi akati kuna Tenzi wangu, ‘Gara kurudyi kwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitambarariko chetsoka dzako.’ “Naizvozvo imba yose yaIsiraeri ngainyotsoziva kuti Mwari akamuita kuti ave Tenzi naMesia, iye Jesu uyu wamakaroverera pamuchinjikwa.” Zvino pavakanzwa izvi vakabaiwa mwoyo vakati kuna Pita nokuna vamwe vapositori: “Hama, ko zvino toiteiko?” Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene. Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.” Akapupura namamwe mazwi akawanda achivakurudzira achiti, “Zviponesei kuchizvarwa ichi chakakombama.” Saizvozvo avo vakagamuchira shoko rake vakaombekwa vakabva vawanziridzwa musi iwoyo navanhu vanosvika zviuru zvitatu.

Verenga chikamu Mabasa 2