Zuva rePendekositi parakasvika, vakanga vari panzvimbo imwechete. Pakarepo kwakava nokutinhira kuchibva kudenga kuchinge kuvhuvhuta kwemhepo inesimba kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona marimi anenge omoto akapararana achindogara pano mumwe nomumwe wavo. Vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakabva vatangisa kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa naMweya kuti vataure. Izvozvo muJerusaremu makanga muina vaJudha, vanhu vakanga vakazvipira pakunamata, vakanga vauya kuzombogaramo vaibva kumarudzi ose avanhu enyika dzose dziri pasi pedenga. Nokunzwa kutinhira uku, mhomho yavanhu yakaungana vakashamiswa nokuti mumwe nomumwe akanzwa vachitaura norurimi rwake.
Verenga chikamu Mabasa 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 2:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo