Mushure mezvizvi Pauro akafunga, achibatsirwa naMweya, kuti anofanira kupfuura nokuMasedhonia nokuAkaya achienda kuJerusaremu achiti, “Kana ndamboti garei ikoko ndinofanirawo kundoona Roma.” Mushure mokunge atumira kuMasedhonia vamwe vabatsiri vake vaviri, vanaTimoti naErasitusi iye pachake akambogara kuAsia chinguva. Panguva inenge iyoyo pakamuka nyonganyonga huru nezvenzira yechikristu. Mumwe murume ainzi Dhemetiriusi, mhizha yezvesirivha aiumba tuTemberi twesirivha tudikidiki twamwari Atemisi twaiwanisa mari yakawanda kune vaitwugadzira. Akaunganidza ivava pamwechete navamwe vebasa rakada kuita sairoro akati, “Varume imi munoziva kuti mubasa iri ndimo matinowana upfumi hwedu. Munozviona uye muri kuzvinzwa kuti kwete muEfesusi chete asi kutenge Asia yose, Pauro uyu ari kukurudzira nokutsautsa vanhu vane chitsama chakati kuti, achiti, ‘Vamwari vakaitwa namaoko havasi vamwari.’ Pane njodzi, kwete chete, yokuti shawo yedu iyi ichatorwa sechinhu pasina asi kutiwo Temberi yamwarikadzi mukuru Atemisi, ichava chinhu pasina uyewo achakoromorwa paukuru hwake, iye anonamatwa neAsia yose uye napasi pose.” Pavakazvinzwa vakashatirwa zvikuru vakazhamba vachiti, “Atemisi wava Efeso mukuru.” Nokudaro guta rakazara nenyonganyonga. Vakapitipidzana munhandare yemitambo vachikwekweredza Gaiusi naArisitakusi, vagari vokuMasedhonia vaifamba naPauro. Pauro akanga ava kuda kupinda mukati memhomho iya asi vadzidzi vakaramba. Uyewo vamwe vakuru vakuru vomuAsia vaiva shamwari dzake vakatuma shoko rokuti ngaarege kana kumboedza zvake kupinda munhandare yemitambo. Paiti ava vanodaidzira ichi vamwe vachidaidzirawo ichi nokuti gungano iroro rakanga rangova nyonganyonga. Vazhinji vavo vakanga vasingamboziva kuti vakanga vaunganira chii. Vamwe vemhomho iyoyo vakataurira Arekizanda zvokuita nokuti ndiye akanga aiswa mberi navaJudha. Arekizanda akabva aninira vanhu noruoko achida kuzvidavirira kumhomho iyoyo. Pavakaona kuti muJudha, vakaramba vachidaidzira kwamaawa maviri vachiti, “Dhayana wavaEfeso mukuru.” Munyori weguta paakanga anyararidza vanhu akati, “Nhaimi vanhu veEfesusi ndiani asingazivi kuti guta ravaEfesusi ndiro muchengeti wetemberi yaAtemisi mukuru mukuru uye muchengeti wedombo dzvene rakadonha mudenga? Zvamunoona kuti zvinhu izvi hazvina angarambe munofanira kunyarara murege kumhanyirira zvinhu. Mauya navanhu ava asi havasi vapambi veTemberi kana vanhu vanoshonha mwarikadzi wedu. Zvino kana Dhemetiriusi nedzimwe mhizha dzaanadzo vaine chavakatadzirwa nani zvake, matare ariko uye kuna magavhuna. Ngavakwirirane matare. Kana pane zvinopfuura izvozvi zvinotofanira kuenzaniswa nedare riri pamutemo. Tine njodzi yokupihwa mhosva yokumutsa manyongori nhasi nokuti hapana chikonzero chatinogona kupa chinonzwika chenyonganyonga iyi.” Paakapedza kutaura izvi akaparadza ngungano.
Verenga chikamu Mabasa 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 19:21-41
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo