Aporosi paakanga ari kuKorinde, Pauro akapfuura nokunyika yokumusoro akasvika kuEfesusi. Ikoko akawana vamwe vadzidzi. Akavati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakadavira?” Ivo vakati, “Kwete. Hatina kana kutombonzwa kuti kuna Mweya Mutsvene.” Akavati, “Ko zvino makaombekwa noruombeko rwupi?” Ivo vakati, “Noruombeko rwaJohani.” Pauro akati, “Johani aiombeka noruombeko rwokuti vanhu vapinduke achitaurira vanhu kuti vatende muno uyo akanga achauya mushure make achireva Jesu.” Pavakanzwa izvi vakaombekwa muzita raTenzi Jesu. Pauro paakaisa maoko ake pavari, Mweya Mutsvene akaburukira pavari. Vakataura nendimi vakaporofita. Pamwechete vakanga vari varume gumi navaviri. Aipota achipinda musinagogu; kwemwedzi mitatu aitaura asingatyi achidzidzisa zvokuti vabvume zvoumambo hwaMwari. Asi vamwe vakanga vakaomesa mwoyo vasingatendi vakatotaura zvakaipa nezvenzira iyi pamberi peruzhinji. Akabva mukati mavo akatora vadzidzi akadzidzisa pachikoro chaTiranosi zuva nezuva, izvi zvakaitika kwamakore maviri zvokuti vagari vose vokuAsia vakanzwa Shoko raTenzi, vaJudha navaGiriki.
Verenga chikamu Mabasa 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 19:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo