Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 19:1-10

Mabasa 19:1-10 SNA2002

Zvino Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi, akati kwavari, “Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here?” Vakati kwaari, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene aripo.” Akati, “Ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rupiko?” Vakati, “Norubhabhatidzo rwaJohani.” Zvino Pauro akati, “Johani akabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwokutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anozouya shure kwake, iye Jesu.” Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Zvino Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita. Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri. Zvino akapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko oushe hwaMwari. Asi vamwe vakati vachiomesa mwoyo, vasingateereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji, akabva kwavari, akatsaura vadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano. Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe, vaJudha navaGiriki.

Verenga chikamu Mabasa 19