Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 17

17
Pauro naSirasi muguta reTesaronika
1Vakati vapfuura nomuAmupfiporisi nokuAporonia vakasvika kuTesaronika kwaiva neSinagogu yavaJudha. 2Pauro akapindamo, setsika yake, akaitirana nharo navo kwamasvondo matatu achishandisa Magwaro Matsvene 3achitsanangura nokuratidza kuti zvaifanirwa kuti Kristu atambudzike uye kuti amuke muvakafa uye achiti Jesu wandinoparidza kwamuri ndiye Mesia iyeyu. 4Vamwe vavo vakazvibvuma vakabatana naPauro naSirasi sezvakangoitawo vazhinji vechiGiriki vaitya Mwari navadzimai vapamusoro vakawanda. 5Asi vaJudha vakaita shanje. Vakatora vanhu vakaipa mukati memaswerokuenda avanhu. Vakakokorodza mhomho vakanyandutsa guta iroro. Vakandorwisa mhuri yokwaJasoni vachida kuburitsa Pauro naSirasi kuvanhu. 6Pavakavashaya vakakwekweredza Jasoni navamwe vehama kuvakuru vakuru veguta vachidaidzira vachiti, “Varume ava vapidigura pasi pose, vauya kunowo. 7Jasoni avagamuchira uye vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaSiza vachiti kuno mumwe mambo anonzi Jesu.” 8Vanhu navakuruvakuru veguta zvakavatambudza. 9Pavakanga vatora mari yorubatso kubva kuna Jasoni nokuna vamwe, vakavaregera kuti vaende zvavo.
Vana Pauro naSirasi vanoenda kuBherea
10Pakarepo vehama vakaendesa Pauro naSirasi nousiku kuBherea. Pavakasvikako vakaenda kuSinagogu yavaJudha. 11VaJudha voko vakanga vachinzwisisa kupinda vaya vokuTesaronika nokuti vakagamuchira shoko nomwoyo unoda kwazvo vachiongorora mazuva ose Magwaro Matsvene kuti zvinhu izvi ndizvo here. 12Vazhinji vavo vakatenda pamwechete navadzimai vechiGiriki vapamusoro vakawanda pamwechetewo navarume. 13VaJudha vokuTesaronika pavakanzwa kuti Shoko raMwari riri kuparidzwa kuBherea naPauro, vakaendawo ikoko kundomutsa manyongori nokunyandutsa vanhu. 14Pakarepo vehama vakabva vapinza Pauro munzira yokuenda kugungwa asi Sirasi naTimoti vakasarako. 15Vaya vakaperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene. Pavakaudzwa kuti Sairasi naTimoti vanofanira kuti vauye kwaari nokukurumidza, vakabva vaenda.
Pauro muguta reAteni
16Pauro paaivamirira kuAteni, akadzongodzwa mwoyo paakaona guta iroro rizere nezvifananidzo zvokunamata. 17Naizvozvo aikurukurirana musinagogu navaJudha navaitya Mwari. Mazuva ose, panzvimbo inoungana vanhu veguta iroro, aikurukura navainge vangouyawo ipapo. 18Vamwe vebato renyanzvi dzokufunga#17:18 Dzokufunga: Nyanzvi dzokufunga ndiwo maFirosofa. vechiEpikurieni nevechiSitoiki vakasangana naye. Vamwe vakati, “Ko iye mubvotomoki uyu arikuda kuti kudiiko?” Vamwewo vakati, “Anenge muparidzi wezvavamwari vasingaziikanwi,” nokuti aiparidza Jesu nokumuka muvakafa. 19Vakamutora vakaenda kuAriopagusi vachiti, “Tingade kuziva kuti chidzidziso chitsva ichi chaunopa ndechei? 20Nokuti tiri kukunzwa nenzeve dzedu uchitaura zvisina akambonzwa. Nezvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvozvi zvinorevei.” 21Vanhu vomuAtene vose nevechirudzi vaigaramo vaipedzera nguva yavo vachitaura nokunzwa zvinhu zvitsva.
Nhauro yaPauro paAriopagusi
22Nokudaro Pauro akamira pakati peAriopagusi akati, “Varume veAteni ndinoona kuti muzvinhu zvose muri vanamati 23nokuti zvandafamba neguta ndikaona zvinhu zvamunonamata ndawana imwe atari yakanyorwa kunzi, ‘KUNA MWARI ASINGAZIIKANWI.’ Chamuri kunamata musingazivi ichocho ndicho chandiri kukuparidzai chokuti, 24‘Mwari iyeyo ndiye akasika nyika nezvose zvirimo. Ndiye Tenzi wedenga napasi. Haagari muTemberi dzakavakwa navanhu. 25Haashandirwi namaoko avanhu sokunge ane chimwe chaanoshaya nokuti ndiye anotopa vanhu vose upenyu nemweya wavanofema nawo nezvinhu zvose. 26Akaita marudzi ose avanhu kubva kumunhu mumwechete kuti vagare pasi pose. Akatema mwaka nemiganho nenyika dzavanogara, 27uye kuti vatsvage Mwari nechitarisiro chokuti vangangomutsvanzvadzira vagomuwana asi iye haasiri kure kwomumwe nomumwe wedu.’
28“Chiripo ndechokuti,
‘Upenyu hwedu huri maari
kuti tifambe ndiye uye
kuti tivepo ndiye,’
sokutaura kwavanyori venyu venhetembo vachiti,
‘Zvechokwadi tiri vana vake.’
29Zvatiri vana vake hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana nendarama kana sirivha kana ibwe zvinongova chifananidzo chakaitwa noumhizha kana zvinongofungwawo navanhu. 30Nguva dzokusaziva dziya, Mwari haana hanya nadzo. Asi iye zvino anoti munhu wose, kose kose zvako, anofanira kupinduka, 31pamusana pokuti akatema zuva raachatonga pasi pose noruenzaniso uye nokumunhu waakasarudza. Izvi zvakasimbisiswa kuna vanhu vose nokumumutswa kwaakaita kuvakafa.”
32Pavakanzwa nezvokumuka kwavafi, vamwe vakashora vamwewo vakati tichada kukunzwazve uchitaura nezvezvizvi. 33Zvadaro Pauro akabva mukati mavo. 34Asi vamwe varume vakabatana naye vakatenda. Mumwe wacho ndiDhionisiusi webato reAreopagusi nomumwe mudzimai ainzi Dhamari navamwe vavaiva navo.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 17: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda