Takatangisa rwendo rwedu nechikepe kubva kuTiroasi tikananga kuSamotirasi chaiko. Ramangwana acho takaenda kuNeaporisi. Takabva ikoko tikaenda kuFiripi guta guru renyika yeMasedhonia, nyika yaiva pasi penyika yeRoma. Takagara muguta iroro kwamazuva. Pazuva reSabata, takaenda kunze kwesuo guru kumahombekombe erwizi kwataifunga kuti kunzvimbo yokunamatira. Takagara pasi tikataura namadzimai akanga aungana. Mumwe waavo vakatinzwa aiva mudzimai ainzi Ridhia weguta reTiatira aitengesa machira oruvara rwehute ainge ari munamati waMwari. Tenzi akazarura mwoyo wake kuti atirimuke mwoyo kune zvaitaurwa naPauro. Paakaombekwa pamwechete nemhuri yake, akatiteterera achiti, “Kana maona kuti ndakatendeka kuna Tenzi uyai kumba kwangu muzogara.” Takasvika pokutobvuma.
Verenga chikamu Mabasa 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 16:11-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo