Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 15:36-41

Mabasa 15:36-41 SCLB

Mushure memazuva akati kuti Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Uya tidzokere tindoshanyira vehama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raTenzi tione kuti vakadii.” Asi Bhanabhasi aida kuti vaende pamwechete naJohani anonzi Mako. Asiwo Pauro akanga achifunga kuti zvakanga zvakanaka kurega kuenda nomunhu akanga ambosiyana navo muPamufiria uye munhu akanga asina kuenda navo kubasa iroro. Pakamuka gakava guru zvokuti vakabva vaparadzana. Bhanabhasi, akatora Mako akaenda nechikepe kuSaipurasi. Pauro akasarudza Sirasi. Vakaenda vapedza kukumikidzwa nevehama kunyasha dzaTenzi. Akaenda nokuSiria nokuSirisia achisimbisa masangano.

Verenga chikamu Mabasa 15