Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 14:8-20

Mabasa 14:8-20 SCLB

KuRisitira kwaiva nomumwe murume aingogara asingakwanisi kufamba namakumbo ake. Akanga ari mhetamakumbo chizvarirwo chake, asina kana kutombofamba. Akateerera Pauro achitaura. Pauro akanyatsomutarisisa. Paakaona kuti ane chitendero chokuti angaponeswe akataura nezwi riri pamusoro akati, “Simuka umire namakumbo ako.” Iye akakwakuka akafamba. Mhomho yavanhu payakaona zvakanga zvaitwa naPauro yakadaidzira nechiRikaonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri vakaita savanhu.” Bhanabhasi vakamuti ndiZeusi, Pauro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru, vakamuti ndiHeremesi. Mupristi waZeusi aiva neTemberi pamberi peguta, akauya namadhonza uye anamaruva kumisuo mikuru achida kupira chibayiro pamwechete navanhu. Vapositori, vanaBhanabhasi naPauro, pavakazvinzwa vakabvarura nguwo dzavo neshungu. Vakamhanya mumhomho yavanhu vachidaidzira vachiti, “Varume, ko mavakuitireiko izvi? Tiri vanhuwo vakangofanana nemi uye tiri kukuunzirai Shoko Rakanaka tichikutaurirai kuti mutendeuke kune zvinhu izvi zvisina maturo muchienda kuna Mwari mupenyu akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo. Muzvizvarwa zvakapfuura Mwari akabvumira marudzi ose kutevera maitiro avo. Zvakadaro zvazvo haana kukusiyai musina zvinoratidza zvokuvapo kwake munezvinhu zvakanaka zvaanokuitirai. Anokutumirai mvura inobva kudenga, nemwaka yamaguta achikugutsai mwoyo nezvokudya nokufara.” Kunyange namazwi aya vakange votoda kukundika kurambidza vanhu ava kupira chibayiro kwavari. Asi kwakava navaJudha vakabva kuAndiyoku nokuIkoniumu vakafurira vanhu vakataka Pauro namabwe vakamuzvuvira kunze kweguta vachifunga kuti afa. Vadzidzi pavakaungana paari, akasimuka akapinda muguta. Mangwana acho akaenda naBhanabhasi kuDhebhe.

Verenga chikamu Mabasa 14