Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 10:1-23

Mabasa 10:1-23 SCLB

KuSezaria kwaiva nomumwe murume ainzi Koneriasi mutungamiriri wezana ramasoja wechikwata chainzi chikwata chamaTariyana, munhu aitya Mwari pamwechete nemhuri yake yose aiva noruoko rwokupa kwazvo kuvanhu uye aigara achinamata kuna Mwari. Paawa yechitatu yamasikati akanyatsoona muchiratidzo mutumwa waMwari achipinda maaiva achiti, “Koneriasi.” Akamutarisisa achitya akati, “Chiiko nhai Tenzi?” Mutumwa ndokuti, “Minamato yako nezvipo zvako kuvanhu zvakwira kudenga sechinhu chinoyeukwa pamberi paMwari. Zvino chitumira vanhu kuJopa vauye naSimoni anonzi Pita. Agere pamba paSimoni wamatehwe ane imba iri munyasi megungwa.” Mutumwa uya akataura kwaari paakaenda, akadaidza varanda vake vaviri nomusoja aida zvokunamata pakati pavanhu vaimushandira. Akati avarondedzera zvose akavatuma kuJopa. Ramangwana acho pavakanga vari parwendo rwavo vava kusvika pedyo neguta, Pita akakwira pamusoro pemba kundonamata masikati makuru. Akanzwa nzara akada zvokudya. Asi pavakanga vachiri kugadzira zvokudya, akava mumweya. Akaona denga richizaruka chimwe chinhu chichiburuka chakaita sejira guru richiburutswa pasi richiita serakabatwa namakona aro mana. Mariri makanga mune mhuka dzakasiyana–siyana nezvipuka zvinoita zvokuzvova napasi neshiri dzedenga. Kwakauya izwi kwaari richiti, “Pita simuka uuraye udye.” Asi Pita akati, “Kwete Tenzi nokuti handisati ndambodya zvinhu zvose zvose kana zvakan'ora.” Izwi rakauyazve kechipiri kwaari richiti, “Zvinenge zvachenurwa naMwari usazviti zvakan'ora.” Izvi zvakaitika katatu chinhu chacho chikabva chatorwa pakarepo chikaendeswa kudenga. Pita paakanga achiri kukangaidzwa mumwoyo kuti chiratidzo chaakanga aona chinorevei, havo varume vaya vakatumwa naKoneriasi vakanga vatomira pasuo guru nokuti vakanga vabvunza nezvemba yaSimoni. Vakadaidzira kuti vabvunze kuti Simoni anonzi Pita ari kugarapo here. Pita paakanga achifungisisa nezvechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Chinzwa varume vatatu vari kukutsvaka. Simuka udzike uende navo pasina zvokukahadzika nokuti ndini ndavatuma.” Pita akadzikawo kwaiva navarume vaya akati, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingei?” Ivo vakati, “Koneriasi, mutariri wezana ramasoja munhu ari pachokwadi, munhu anotya Mwari uye anorumbidzwa norudzi rwose rwechiJudha akatungamirirwa nomutumwa anoera kuzokudaidzai kuti muuye kumba kwake kuti anzwe zvamungataure.” Ipapo akavapa pokurara. Ramangwana acho, akamuka akaenda navo. Vamwe vehama vokuJopa vakaendawo naye.

Verenga chikamu Mabasa 10