Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 2:19-22

2 Timoti 2:19-22 SCLB

Asi hwaro hwaMwari hwakasimba hunoramba huripo hwakanyorwa kuti, “Tenzi anoziva avo,” uye kuti, “Munhu wose anodaidza zita raTenzi, ngaasiyane nouipi.” Muzimba hombe hamuna midziyo yendarama neyesirivha chete asi mune yemiti neyevhu. Mimwe ndeyamazuva makuru, imwewo ndeyamazuva ose. Munhu akazvichenura kune zvinoshoreka anobva ava mudziyo wakakosha wamazuva makuru achiva mudziyo wakayereswa une basa, kumuridzi wemba, wakagarira basa ripi neripi rakanaka. Naizvozvo siyana nehavi dzevechiduku unangane noururami nechitendero norudo norugare pamwechete navanodaidza kuna Tenzi nemwoyo wakanaka.

Verenga chikamu 2 Timoti 2