Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vatesaronika 2:3-17

2 Vatesaronika 2:3-17 SCLB

Ngaparege kuva nomunhu anokunyengedzai nenzira ipi zvayo nokuti zuva iroro harisikuzouya kupanduka kusati kwatanga kuuya uye munhu asina mutemo uya akatemerwa kuraswa atoratidzwa pachena, uya anozvikudza achirwisana nechose chinonzi mwari kana chipi zvacho chinonamatwa atoita chigaro chake mutemberi yaMwari. Hamurangariri here kuti pandakanga ndichinemi ndakakutaurirai izvi. Asi imi munoziva kuti pane chimwe chiri kurambidza kuti izvi zviitike zvino kuti aratidzwe panguva yake nokuti chakavanzika chiya chisina mutemo chavakutoshanda asi uyo arikumbodzivirira–dzivirira achamboita kusvikira abviswa. Ipapo asina mutemo uya achaburitswa pachena. Tenzi Jesu achamuuraya nezwi rimwechete romuromo wake achimuparadza nokuzviratidza kwake uye nokuuya kwake. Kuuya kouya asina mutemo kunoonekwa nomubasa raSatani anoshandisa simba nezviratidzo nezvishamiso zvokunyepera nouipi hwose hokunyengedza varikundoparadzwa nokuti vanoramba kuda chokwadi uye vanoramba kuponeswa. Naizvozvo Mwari anovatumira zvinovabata kumeso kuti vatende zvenhema kuti vose vapihwe mhosva vasina kutenda chokwadi vachifarira zvisina kururama. Isu tinosungirwa kutenda Mwari pamusana penyu, hama dzangu vadiwa vaTenzi nokuti Mwari akakusarudzai kubvira pakutanga kuti muponeswe nokuitwa vatsvene naMweya nokutenda muchokwadi. Izvi ndizvo zvaakakudaidzirai nokuparidza kwedu Shoko Rakanaka kuti muwane mbiri yaTenzi wedu Jesu Kristu. Naizvozvo hama dzangu mirai makasimba makabatisisa magamuchidzanwa amakadzidziswa nesu nomuromo kana kuti netsamba. Zvino Tenzi wedu Jesu Kristu pachake naMwari Baba vedu vakatida vakatipa kunyaradzwa kusina mugumo nechitarisiro chakanaka nenyasha ngaakunyaradzei mwoyo yenyu aisimbise mumashoko nomumabasa ose akanaka.