2 Samueri 8
8
Kukurira kwakaita Dhavhidhi
(1 Nhor 18:1–17)
1Gare gare Dhavhidhi akakurira vaFirisitia akavaisa pasi pake, akatorera vaFirisitia Metehagama.
2Akakurirawo Moabhu akati vanhu vacho vati rare rare pasi. Akatora tambo akavaera katatu katatu nourefu hwayo vakangodaro achiuraya vomuchikamu chokutanga nechechipiri, vomuchikamu chechitatu akavarega vari vapenyu. VaMoabhu vakava varanda kuna Dhavhidhi vakatera mutero kwaari.
3Dhavhidhi akakurirawo Hadhadhiezeri, mwanakomana waRehobhu mambo wokuZobha paakanga achienda kundorwisa nyika yokuna Yufuratesi kuti idzokere mumaoko ake. 4Dhavhidhi akamutorera vachayiri vengoro dzehondo, chiuru chimwechete chavachayiri navachayiri mazana manomwe pamwechete navarwi vetsoka makumi maviri echuru. Dhavhidhi akadimura matatira amabhiza ose engoro dzehondo ndokungosiya anokwanirana nezana rengoro dzehondo.
5VaSiria vokuDhamasikusi vakauya kuzobatsira Hadhadhiezeri mambo wokuZobha. Dhavhidhi akauraya varume makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri zvavaSiria. 6Munyika yeAramu kuDhamasikusi, Dhavhidhi akaisa zvikwata zvikwata zvavarwi, vaSiria vakava varanda kuna Dhavhidhi vachitotera mutero. Tenzi akaita kuti Dhavhidhi akurire kwose kwose kwaaienda. 7Dhavhidhi akatora nhoo dzendarama dzakanga dzakatakurwa namakurukota aHadhadhiezeru akadziunza kuJerusaremu. 8Mambo Dhavhidhi akakukuchawo ndarira yakawanda kwazvo kuBheta nokuBherotai maguta aHadhadhiezeru.
9Mambo Toi paakanzwa kuti Dhavhidhi akakurira hondo yose yaHadhadhiezeru, 10Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kundomukwazisa nokumukorokotedza nokuti akanga arwisa Hadhadhiezeru akamukurira. Chaivapo ndechokuti Hadhadhiezeru aigarorwisana naToi. Joramu uyu akauya nezvinhu zvesirivha nendarama nendarira. 11Mambo Dhavhidhi akatsaurirawo zvinhu izvozvi kupira kuna Tenzi pamwechete nesirivha nendarama yaakatsaurira kupira kuna Mwari yabva kunyika dzose dzaakakurira 12dzinoti: Edhomu neMoabhu nevaAmoni nevaFirisitia neAmareki neyepazvinhu zvakapambwa zvaHadhadhiezeru mwanakomana waRehobhu mambo wokuZobha.
13Dhavhidhi akazviwanira zita paakadzoka kwaakanga andorakatisa gumi rezviuru rine zviuru zvisere zvavaSiria#8:13 ZvavaSiria: MuchiGiriki munoti, “Paakadzoka, akauraya gumi rezviuru rine zviuru zvisere zvevaEdhomu.” mubani romunyu. 14MuEdhomu akaisamo zvikwata zvikwata zvavarwi. Munyika yose zvayo yeEdhomu akaisa zvikwata zvavarwi. VaEdhomu vose zvavo vakava varanda kuna Dhavhidhi. Tenzi akaita kuti Dhavhidhi akurire kwose kwose kwaaienda.
15Nokudaro Dhavhidhi akatonga Isiraeri yose zvayo. Dhavhidhi uyu aitonga vanhu vake zvine ruenzaniso uye nomazvo chaimo. 16Izvozvo Joabhu mwanakomana waZeruya ainge ari mutungamiriri wehondo, Jehoshafati mwanakomana waAhirudhu ariye samunyori. 17Zadhoki mwanakomana waAhitubhu naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari ndovaiva vapristi, Seraya ari munyori. 18Bhenaya mwanakomana waJehoiadha aiva mukuru mukuru wevokuchengeta mambo, maKereti nemaPereti, ukuwo vana vaDhavhidhi vakomana vari vapristi.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Samueri 8: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.