Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 7:1-29

2 Samueri 7:1-29 SCLB

Mambo paakanga zvino anyatsogarawo mumuzinda wake, Tenzi amupawo runyararo kuvavengi vake kumativi ose, akataurira muporofita Natani kuti, “Tarisai muone ini ndachidai kugara mumba yakashongedzwa nomusidhari asi uku bhokisi raMwari rechitenderano rakangoti njo mutendhe zvamo.” Natani akati kuna mambo, “Endai zvenyu muite zvose zviri mumwoyo menyu nokuti Tenzi anemi.” Asi usiku hwakarehwo, shoko raTenzi rakasvika kuna Natani richiti, “Enda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti zvanzi naTenzi, ndiwe here ungandivakire imba yokugara? Handinaka ini kumbogara mumba kubvira pandakaburitsa vaIsiraeri kuIjipiti kusvikira pari nhasi. Asi kwose kwandanga ndichienda, tendhe ndoyanga ichingova imba yangu yokugara. Kwose kwandakafamba navaIsiraeri vose ndakambotaurawo here chinhu kuvatongi vevaIsiraeri vandaipa basa rokufudza vanhu vangu vaIsiraeri kuti, uri kuregerei kundivakira imba yakashongedzwa nomusidhari? Zvino chienda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo, ndakakutora kumafuro kwawaifudza zvipfuwoka iwe kuti uve ishe wavanhu vangu, vaIsiraeri. Ndaiva newe kwose kwawaifamba, ndikakutsakatisira vavengi vako vose. Zvino ndichaita kuti zita rako rive nomukurumbira mukuru kwazvo sezvakangoita mazita avakuru vakuru vapanyika. Ndinotsvakira vanhu vangu vaIsiraeri pokugara, ndovasimapo kuti vagarewo pavo vasisambofuruswa, vaipi vasisambovatambudza sezvavaivaita kare kubvira panguva yandaisarudzira vanhu vangu vaIsiraeri, vatongi. Ndichakupawo zororo kuvavengi vako vose. Uyewo Tenzi anoti kwauri iye Tenzi ndiye achatokuvakira imba. Mazuva ako akange akwana, wafa waendawo kwakaenda vamwe kumadzibaba ako, ndichamutsa mushure mako mumwe mwana wako wauchabereka iyewe pachako. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi. Iyeyo ndiye anofanira kuvaka imba yacho yokuisa zita rangu. Ndichaita kuti umambo hwake hurambe huripo narini wose. Ini ndichange ndiri baba kwaari, iyewo ari mwana kwandiri. Kana akaita zvakaipa, ndichamutumira shamhu yavanhu yokumuranga achidakarirwa kurohwa navanhu. Asi handizobvisa mwoyo wangu paari sezvandakaita kuna Sauro wandakabvisa kuti iwe upinde. Imba yako hairove kwandiri, umambo hwako huchavako narini wose. Umambo hucharamba huri mumba mako.” Natani akarondedzera Dhavhidhi mashoko iwaya ose achimutaurirawo chiratidzo ichochi chose. Mambo Dhavhidhi akapinda akagara pana Tenzi akanamata achiti: “Ndiri aniwo zvangu nhai Tenzi Mwari? Kana iyowo mhuri yokwangu, chiiwo zvayo, kundisvitsawo pakadai? Sokunge izvozvi zvisina kukwana kwamuri imi Tenzi Mwari; masvika pokutotaura nezvichazoitika mangwana, namangwana ayo kumhuri yeni muranda wenyu. Ndiwo maitiro enyu here iwaya kuvanhu, nhai Tenzi Mwari? “Pakadai apa, ko ini Dhavhidhi chii chimwewo chandingataure kwamuri? Munondiziva wani ini muranda wenyu imi Tenzi wangu Tenzi Mwari. “Chido chenyu zvenyu kuti muite chinhu chikuru chakadai uye kuti muzvizivisewo kuneni muranda wenyu. “Naizvozvo muri mukuru mukuru chaiye imi Tenzi Mwari nokuti hakuna angamboenzaniswe nemi uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu imi maererano nezvose zvatakanzwa nenzeve dzedu. “Ndorupi rudzi panyika rwakaita savanhu venyu vaIsiraeri, runa Mwari akaenda kundovanunura kuti vave vanhu vake uye kuti azviwanire zita, achivaitira mabasa makuru anotyisa nokudzingira kunze marudzi navamwari vavo, kutiira vanhu vake ivavo vaakanunura kuIjipiti? “Makaitawo kuti vaIsiraeri vave vanhu venyu chaivo nokusingaperi imiwo Tenzi muchiva Mwari wavo. “Zvino imi Tenzi Mwari chizadzikisai waro nokusingaperi zvamakareva nezvangu ini muranda wenyu nemhuri yangu, muite sokuvimbisa kwamakaita; kuti zita renyu riende mbiri nokusingaperi zvichinzi, ‘Tenzi wehondo nehondo ndiye Mwari weIsiraeri;’ uye imba yangu ini Dhavhidhi muranda wenyu imire. “Pamusana pokuti imi Tenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri mandidurira pachena kuti, muchandivakira imba, ndokusakawo ini muranda wenyu ndaita simba rokuita munamato wakadai kwamuri. “Zvino Tenzi Mwari, imi ndimi Mwari wangu. Zvamunoreva zvichaitika zvechokwadi, uyewo mavimbisa zvinhu izvi zvakanaka kudai kuneni muranda wenyu. “Zvino chikomborerai waro imba yangu ini muranda wenyu kuti irambe yakangoti nemi kwati kwati nokuti imi Tenzi Mwari ndimi mazvireva, naizvozvo namakomborero enyu iwayo, mhuri yangu ini, muranda wenyu ichava mhuri yakakomborerwa chaizvo narini wose.”

Verenga chikamu 2 Samueri 7