Mushure maizvozvi Dhavhidhi akandobvunza kuna Tenzi kuti “Ndoenda here kune rimwe ramaguta aJudha?” Tenzi ndokumuti, “Enda zvako.” Dhavhidhi ndokuti, “Ndoenda kune ripi?” Tenzi akati, “kuHebhuroni.” Saizvozvo Dhavhidhi akakwidza kuendako pamwechetewo namadzimai ake maviri, vana Ahinoamu wokuJezireeri naAbhigairi chirikadzi iya yaNabhari wokuKarimeri. Dhavhidhi akaendako navanhu vake vaaiva navo munhu wose aine mhuri yake. Vakagara mumaguta okuHebhuroni. Varume vokwaJudha vakauyako vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaJudha. Pavakataurira Dhavhidhi kuti, “Varume vokuJabheshigireadhi ndivo vakaviga Sauro,” Dhavhidhi akatuma nhumwa kuvarume ava vokuJabheshigireadhi akati kwavari, “Tenzi ngaakukomborerei nokuti makaitira Sauro, changamire wenyu mwoyo wakanaka nokumuviga kwamakaita. Tenzi ngaachikuitirai mwoyochena avewo zvake akatendeseka. Iniwo ndichakuitirai zvakanaka pamusana pokuti makaita izvozvi. Saka zvino chishingai mwoyo, muve vanhu vane chivindi, changamire wenyu, Sauro zvaakafa uyewo vokwaJudha zvavakandigadza umambo hwokwawo kuti ndivatonge.”
Verenga chikamu 2 Samueri 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Samueri 2:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo