Wazvidzireiko zvakarehwa naTenzi uchiita zvisingadiwe naTenzi? Wakaurayisa Uriya muHiti nebakatwa, ukatora mukadzi wake uchimuita wako. Asi iye ukamuuraya nebakatwa revaAmoni. Saka naizvozvo hondo yebakatwa haibve mumba mako nokuti wandizvidza ukatora zvako mukadzi waUriya muHiti uchimuita wako.’ Zvanzi naTenzi, ‘Chinzwa unzwe ndichakumutsira zvimwe zvakaipa mumba mako chaimo. Ndichakutorera vakadzi vako iwe wakatarisa nameso ako ndovapa kune mumwe wako. Iye acharara navakadzi vako masikati machena nokuti wakazviita muchivande. Asi ini ndichazviita Isiraeri yose ichizviona, masikati machena.’ ” Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndakatadzira Tenzi.” Natani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Tenzi akuregererai chitadzo chenyu hamuchafa. Kunyange zvakadaro zvazvo, pamusana pokuti makatoshora Tenzi zvikuru kwazvo nezvamakaita izvozvo, mwana mukomana wamuchaberekerwa anofanira kutoti afe.”
Verenga chikamu 2 Samueri 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Samueri 12:9-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo