Nokuda kwechikonzero ichochi edzai nokwamunogona kose kuwedzera chitendero nezviito zvakarurama, pazviito zvakanaka wedzerai ruzivo, paruzivo wedzerai kuzvibata, pakuzvibata wedzerai kutsungirira, pakushingirira kwenyu muwedzere unamati paunamati muwedzere kudana sehama nehama, pakudana sehama nehama muwedzerewo rudo. Chikonzero ndechokuti kana zvinhu izvi muinazvo zvakawanda hamuzoshaya chimuko kana kushaya muchero mukuziva Tenzi wedu Jesu Kristu, asi ani naani zvake anenge asina zvinhu izvi, ibofu, munhu asingaoni zvinhu nemazvo uye atokanganwa kuti akacheneswa pazvitadzo zvake zvakare. Naizvozvo hama shingairai zvikuru kuti musimbaradze kudaidzwa kwenyu nokusarudzwa kwenyu nokuti mukadai hamuzoputsiki. Nezvo muchanyatsogamuchirwa namaoko maviri muumambo husingaperi hwaTenzi wedu noMuponesi, Jesu Kristu.
Verenga chikamu 2 Pita 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Pita 1:5-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo