2 Madzimambo Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku rechipiri raMadzimambo rinoenderera mberi norungano kana kuti nhoroondo dzoupenyu hwavaIsiraeri namadzimambo avo kubvira panosiira bhuku iri rine zvikamu zvikuru zviviri. Chokutanga chinotaura nezvoumambo hwakabatana. Umambo uhu hwakanga huripo kubvira muna 1043—931 K.A.A. (1:1) Chikamu ichi chinotaura nezvamadzimambo akaipa eIsiraeri, kubva pana Ahaziya kusvika kuna Hosheya. Madzimambo iwayo ari masere aiva okutotanga mumwe wacho auraiwa. Panguva iyoyo muporofita waMwari akanga aripo ndiErisha. Chikamu chechipiri chinotaura nezvoumambo hwakasara hurimo munyika hokwaJudha. Kunyange kwakanga kuna madzimambo akarurama vairamba vachitadza kuchengeta chitenderano chavo naMwari. Pakupedzisira naivowo vakazoendeswa kuutapwa kuBhabhironi.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rechipiri raMadzimambo
Umambo hwakapararana (1:1—17:41)
a) Muporofita Erisha (1:1—8:15)
b) Madzimambo okwaJudha (8:16—17:4)
c) Kuparara kweguta reSamaria (17:5–41)
Umambo hwakambosara (18:1—25:30)
a) Kubva kuna Hezekiya kusvika kuna Josiya (18:1—21:26)
b) Kutonga kwaJosiya (22:1—23:30)
c) Madzimambo okupedzisira okwaJudha (23:31—24:20)
d) Kuparara kweJerusaremu (25:1–30)
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo Zviri mubhuku rino: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.