Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 4

4
C: ZVIMWE ZVISHAMISO ZVOMUPOROFITA ERISHA
Mafuta echirikadzi yaive nechikwereti
1Mumwe mudzimai womumwe wavaporofita akachema kuna Erisha achiti, “Ini muranda wenyu murume wangu akafa. Sezvamunongoziva wani muranda wenyu iyeyo aiva munhu anotya Tenzi. Asi zvinoka mumwe munhu waakanga ane chikwereti naye auya kuzotora vana vangu vakomana vaviri kuti vave varanda vake.”
2Erisha akamuti, “Chiiko chandingakuitirei? Dondiudzaiwo, ko kumba munei chamuchinacho?”
Mudzimai uyu akati, “Ini muranda wenyu kumba uku handisisina chokubata, changosara chete kaguchu kamafuta.”
3Ndokubva ati, “Potererai muchikumbira vamakavakidzana navo vose midziyo, midziyo isina chinhu irege kuva mishomanana. 4Mozopinda mumba mozvipfigira musuo murimo iyemi navanakomana venyu moadururira mumidziyo yacho yose. Mudziyo unenge wazara uisei parutivi.”
5Saizvozvo mudzimai uyu akabva pana Erisha akandozvipfigira mumba iye navanakomana vake. Iye aiadururiramo vana vake vachimutambidza midziyo. 6Kuzoti midziyo yacho yazara akati kumwana wake, “Nditambidzewo mumwe mudziyo.” Mwana akati, “Hapasisina mumwe.” Mafuta aye ndiye gwa kubuda. 7Mudzimai uyu akaenda akandoudza munhu waMwari iye akabva ati, “Chiendai mutengese mafuta iwayo muripe zvikwereti zvenyu, imi navanakomana venyu munozoraramiswa nezvinenge zvasara.”
Erisha nomukadzi mupfumi wokuShunemu akanga asina mbereko
8Rimwe zuva Erisha akapfuura nokuShunemu kwaigara mumwe mukadzi aiva mupfumi. Mudzimai iyeyu akamunyengetedza kuti ambowana chimwe chokuisa mukanwa. Saizvozvo Erisha pose paaipfuura neko aitsaukirapo kundodya zvokudya. 9Akati kumurume wake, “Zvamunoona, ndiri kuona kuti munhu uyu munhu mutsvene waMwari ari kuramba achingopfuura zvake nepano. 10Ngatigadzirei kamba kaduku kane chengowo chako padenga remba apa tigomuisiramo mubhedha neteburu nechigaro nerambi kuitira kuti pose paanenge atishanyira awanewo pokugara.”
11Rimwe zuva Erisha akasvika nepo akabva atsaukira mumba iyoyi ozorora zvake. 12Akati kumushandi wake ainzi Gehazi, “Daidza muShunemu uyu.” Paakamudaidza mudzimai uyu akasvikomira pana Erisha.
13Erisha akati kuna Gehazi, “Iti kuna mai ava, chionaika imi makazvitakudza mutoro unorema kudai muchiitiresu, zvino chii chamungaitirwewo imi? Hamuna here nyaya yamunoda kusvitsirwa kuna mambo kana kuti kumutungamiriri wehondo?”
Mai ava ndokuti, “Ini ndakanyatsogara zvangu navanhu vokwangu ava.”
14Erisha akati, “Zvino chii chaicho chaangaitirwe?”
Gehazi akabva ati, “Chiripo apa ndechichi chokuti, mai ava havana mwana mukomana uye murume wavo akwegura.”
15Iye akati, “Vadaidze.” Paakadaidza mai ava, vakasvikomira pamusuo. 16Erisha ndokuti kwavari, “Pamwaka iwo uno uyu, gore rinouya muchava nomwana mukomana pamaoko.”
Ivo vakati, “Aiwaka changamire! Nhaimi munhu waMwari, dai marega zvenyu kunditaurira nhema dzakadai ini muranda wenyu.”
17Asi mudzimai uyu akazova napamuviri, akasununguka mwana mukomana panguva yakare iya yepfumvudza ramangwana racho sezvaakanga ataurirwa naErisha.
18Mwana uyu akati akura, rimwe zuva akaenda kunze kuna baba vake vaiva navakohwi. 19Akazoti kuna baba vake, “Yuwi, musoro wangu, musoro wangu!”
Baba vakati kumuranda wavo, “Mutakure uende naye kuna amai vake.” 20Kuzoti murume uyu amutakura, aenda naye kuna amai vake, mwana akagara pamakumbo pavo vakamuti mumaoko mbunde kudzamara masikati zuva rorova nhongonya ndokubva mwana afa. 21Mai ava vakakwira padenga vakandomuradzika pamubhedha uya womunhu waMwari. Vakamupfigiramo vakabuda panze. 22Vakadaidzira kumurume wavo vachiti, “Nditumireiwo mumwe muranda kuno nedhongi rimwe ndigokurumidza kuenda kumunhu waMwari uya ndidzokezve kuno.”
23Iye akati, “Zvaita sei kuendako nhasi uno? Inga wani harizi Zuva Guru roKugara Kwemwedzi kana reSabata zvaro!”
Ivo vakati, “Kutsvene zvako!”
24Mai ava vakasunga dhongi ravo vakaudza muranda wavo kuti, “Tinha dhongi iri rirambe richifambisa usambondimisa-misa zvako munzira asi kutoti ndakuudza.” 25Mai ava vakapinda murwendo rwavo vakasvika kumunhu uya waMwari kugomo reKarimero.
Munhu waMwari paakaona vachiuya, akati kumushandi wake Gehazi, “Tarisa uone uko, muShunemu uya uyo. 26Ibva wamhanyira kundotambira mai avo uvati, ‘Kwakanaka here? Murume wenyu akadii zvake? Ko mwana akadii?’ ”
Mai ava vakapindura vachiti, “Kutsvene zvako.” 27Pavakazosvika pagomo kumunhu waMwari, vakasvikobata tsoka dzake. Gehazi akauya woda kuvatakanurapo, asi munhu waMwari akati, “Varege vakadaro. Vari kushungurudzwa kwazvo mumwoyo. Zvino Tenzi andivanzira nhuna dzavo haana kunditaurirawo.”
28Mai ava vakazoti, “Changamire, ini ndakambokukumbirai mwana mukomana here? Handina here kuti musandinyengedze?”
29Iye akati kuna Gehazi, “Chisunga dzisimbe ubate tsvimbo yangu iyi muruoko uende. Kana ukasangana naani zvake rega kumukwazisa, anenge akukwazisa rega kumupindura, undoisa tsvimbo yangu pauso hwomwana wacho.”
30Amai vomwana ndokubva vati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu nemi muripo kudai kuti handimbokusiyai.” Nokudaro Erisha akasimukawo akabva avatevera. 31Gehazi akafanotungamira akasvikoisa tsvimbo pauso hwomwana uya, asi hapana chakanzwika kana chiratidzo choupenyu. Naizvozvo akadzokera kundosangana naErisha akamutaurira kuti, “Mwana haana kumuka.”
32Pakapinda Erisha mumba muya akaona mwana uyu akati rabada kufa pamubhedha pake. 33Ndokubva apindamo ndokuzvipfigiramo iye nomwana ndokunamata kuna Tenzi. 34Akakwirapo, akatsivama pamusoro pomwana uyu akaisa muromo pamuromo wake, maziso pamaziso ake, maoko akaaisa pamaoko ake. Paakanga akatsivama pamusoro pake kudaro, muviri womwana wakatanga kudziya. 35Erisha akasimuka zvakare akafamba mumba umu achiti endei mberi, dzokei shure. Akakwirapozve, akatsivama pamusoro pake, mwana akahotsira kanomwe, akabva asvinura meso. 36Erisha akatuma Gehazi kuti, “Daidza muShunemu uya.” Akabvawo andomudaidza. Mai ava pavakasvika kuna Erisha iye akati, “Chitakurai zvenyu mwanakomana wenyu uyu.” 37Ivo ndokuti bvucha mumakumbo aErisha vakati pasi kota kota. Vakazotakura mwana wavo ndokubva vabuda zvavo.
Muto waiva nechepfu
38Erisha akaendazve kuGirigari, izvozvo shangwa yenzara yakanga iri munyika umu. Iye paaingunotandara zvake neboka ravaporofita akati kumushandi wake, “Gadza bhodho guru ubikire boka ravaporofita ava usavi.” 39Mumwe wavo akaenda musango kundotsvaka muriwo. Akadimbura muvhaini womusango akautanha akasungira pamberi muhanzu yake kuzadza nezvipudzi zvomusango. Akauya akazvichekerera mupoto yousavi iyi asingazive kuti zvaiva zvii. 40Vakapakurira varume ava kuti vadye. Asi pavakangoti idyei usavi uhwu vakadaidzira voti, “Imi munhu waMwari, mupoto umu mune rufu umu.” Saka havana kukwanisa kuhudya. 41Iye akabva ati, “Chiunzai upfu.” Akahuisa mupoto umu ndokuti, “Chipakurirai vanhu vadye zvavo.” Mupoto umu makanga musisina chinokuvadza.
Kuwanziridzwa kwezvingwa
42Kwakauya mumwe murume wokuBhaarisharisha achiigira munhu waMwari chingwa chembesanwa dzokutanga, aiva makumi maviri ezvingwa zvebhari nechibage chinyoro mutsapo yake. Erisha akati, “Ipa varume ava vadye zvavo.” 43Asi mushandi wake akati, “Ndingazvigovanisa sei chaizvo kuzana revanhu iri?”
Erisha ndokutizve, “Ipa varume ava vadye zvavo nokuti zvanzi naTenzi, ‘Vachadya vakatozvisiya.’ ” 44Saizvozvo akavaperekera zvokudya zvacho. Vakadya vakatozvisiya sezvakanga zvarehwa naTenzi.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 4: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda