Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 9:6-14

2 Vakorinde 9:6-14 SCLB

Chiripo ndechokuti munhu anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma; anodyarawo zvakawanda achakohwawo zvakawanda. Mumwe nomumwe anofanira kuita sokuzvisarudzira kwaakaita mumwoyo make, kwete seasingadi kana seanomanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara. Mwari anogona kukupai makomborero ose akawanda kwazvo kuti nguva dzose muve nezvinokwana muchikwanisawo kuwana zvinhu zvinodiwa pamabasa ose akanaka. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kuvarombo ndimupanegombe ururami hwake hunogara nokusingaperi.” Iye Mwari anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya ndiye achakupa mbeu dzose dzaunoda uye achaitawo kuti dzikure dzibereke zvokukohwa zvakawanda zvichibva muururami hwako. Muchapfuma muna zvose kuti mukwanise kuita mabasa makuru omwoyochena anoita kuti Mwari atendwe pamusana pezvatinenge taita. Kuita basa irori, hakungagutsi zvinodiwa navatsvene chete asi kuti kunowanziridza kutendwa kwaMwari. Nezvinobuda mukuita basa iri, mucharumbidza Mwari nokuteerera kwenyu Shoko Rakanaka raKristu nemwoyochena mukudyidzana kwenyu navo uye navamwe vose. Ivo vachikusuwai nokukunamatirai pamusana penyasha dzinoshamisa dzaMwari mamuri