Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 6:14-16

2 Vakorinde 6:14-16 SCLB

Musasungwe pajoko navanhu vasingatendi nokuti ururami hunei nouipi? Kana kuti chiedza chine ukama hwei nerima? Kristu anganzwanane sei naBheriari? Kana kuti mutendi ane mugove wei naasingatendi. Temberi yaMwari inowirirana papi nezvifananidzo zvinonamatwa saMwari. Zvino isu tiri Temberi yaMwari mupenyu sokutaura kwakaita Mwari achiti, “Ndichagara mavari ndichifamba pakati pavo uye ndichava Mwari wavo ivowo vachava vanhu vangu.”