Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 5:14-17

2 Vakorinde 5:14-17 SCLB

Chikonzero chacho ndechokuti rudo rwaKristu ndirwo runotimanikidza kuita zvinhu nokuti zvatakatoona ndezvokuti, munhu mumwechete akafira vanhu vose, naizvozvo vanhu vose vakafawo. Iye akafira vanhu vose kuti vanorarama varege kuzviraramira asi kuti vararamire iye akavafira akamutswa. Saizvozvo kubvira zvino hatichaona munhu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo. Saizvozvo kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya.