Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 4:1-4

2 Vakorinde 4:1-4 SCLB

Naizvozvo, Mwari, nenyasha dzake, zvaakatipa basa iri hatirasi mwoyo. Takasarudza kusamboita zvinhu zvinonyadzisa nezvomuchivandevande. Takaramba kuita zvoujarijari kana kushatisa shoko raMwari. Asi tinozviratidza zvatiri kuhana yomunhu wose zvake takamira pachokwadi chizere pamberi paMwari. Kunyange zvazvo Shoko redu Rakanaka rakafukidzwa, rakafukidzwa chete kuna vari kuparara. Pane zvaivava, mwari wapasi pano akapofomadza pfungwa dzavasingatendi kuti varege kuona mwenje weShoko Rakanaka rembiri yaKristu, iye akatodzana naMwari.