Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 11:16-31

2 Vakorinde 11:16-31 SCLB

Ndinodzokororazve kuti ngaparege kuva nomunhu anofunga kuti ndiri benzi romunhu; asi kunyange mukafunga zvenyu kudaro, nditorei zvenyu sebenzi kuti ndiwanewo mazvikudziro zvishomanene. Zvandiri kutaura hazvina Tenzi mukati, asi sebenzi, mukuzvirova dundundu kwangu uku kune chivindi, sezvo vazhinji vachizvikudza nezvinhu zvenyika, neniwo ndichazvirumbidza, nokuti munoitira mwoyo murefu mapenzi muchifara asi imi muri vanhu vakangwara. Munoitiraka imi mwoyo murefu munhu akakuitai varanda kana akakudyai nomunyati achikushandisai kana kuzvikudza kana kutokurovai nembama kumeso. Ndinonyara kutaura kuti hwaiva humbwende kuita izvozvo. Asi kana pane munhu angade kuzvikudza nechii zvacho, ndava kutaura zvangu sebenzi, ndingatoitawo chivindi chokuzvikudza saizvozvo. Ivo vaHebheru here? Kana neniwo ndiri muHebheru. Ivo vaIsiraeri here kana neniwo. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahamu here? Kana neniwo. Ivo vashandi vaKristu here? Ini ndinotova mushandi wake ari nani. Zvino ndava kutaura zvangu somunhu anopenga. Ndakashanda zvakaomarara kupinda ivo. Ndakaiswa mujeri kakatowanda kutovapfuura. Ndakarohwa kakawanda, ndikatarisana norufu kakawanda. Ndakarohwa ndiri mumaoko avaJudha shamhu dzinosvika makumi matatu nepfumbamwe kanosvika kashanu. Ndakarohwa nemibhadha kanosvika katatu. Ndakatakwa namatombo kamwechete. Ndakakudubuka nechikepe katatu. Ndakaita siku nesikati ndakayangarara mugungwa. Panzendo dzangu dzakawanda ndakapinda njodzi dzenzizi nenjodzi dzamakororo, uye njodzi dzaibva kuvanhu vokwangu uyewo nenjodzi dzaibva kunevechirudzi kwozoti njodzi muguta, kwoti njodzi musango, kwouya njodzi mugungwa nenjodzi dzaibva kuhama dzenhema mubasa rakaoma nomuzvinhu zvinotambudza nomukushaiswa hope kakawanda; munzara nenyota uye kazhinji ndisina chokudya; muchando nomukushaya chokufuka tisingatauri zvedu nezvezvimwe izvi, mazuva ose ndinogara ndakaremerwa nokufunga masangano ose. Ndiani anorukutika ndikasarukutikawo. Ndiani anopinzwa mukutadza ndikasagumbuka nazvo. Dai kuri kuti ndinozvirova dundundu ndingatozvirovera dundundu utera hwangu, Mwari naBaba waTenzi Jesu, iye anofanira kurumbidzwa nokusingaperi anoziva kuti handitauri nhema.