2 Vakorinde 10
10
III: KUZVIDZIVIRIRA KWAPAURO
Pauro anoti haasi mbwende
1Ini Pauro ndinokukumbirisai, nounyoro nokupfava kwaKristu. Iyeni ndakawota kana ndakatarisana nemi uso nouso asi munhu ane chivindi kwamuri kana ndisipo. 2Ndinokukumbirai kuti kana ndauyako, ndirege kuita zvakaomarara sokufunga kwandinoita kune vamwe vanhu vanofunga kuti tinoita zvinhu tichitungamirirwa namafungiro ezvenyika. 3Kunyange zvedu tichigara panyika, hatisi kurwa hondo yapanyika 4nokuti zvombo zvatinorwisa nazvo, hazvisi zvapasi pano asi kuti zvine simba raMwari rinoparadza nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. 5Isu tinoparadza nharo uye pfungwa dzokuzvikudza dzinopingidza vanhu kuziva Mwari uye tinotora vanhu pfungwa dzavo tichidziisa muutapwa, tichivaita kuti vateerere Kristu 6takagadzirira kuranga kusateerera kose kana kuteerera kwenyu kwakwana.
7Onai zvinhu sezvazviri. Kana pane anonyatsovimba kuti ndewaKristu, ngaayeukewo kuti sezvaari waKristu, nesuwo ndizvo zvatiri. 8Kunyange ndingazvikudze zvinenge zvakati nyanyisei noukuru hwandinahwo, hwandakapiwa naTenzi, ndakahupiwa kuti ndikuvakei kwete kuti ndikuparadzei, saka handinyari nazvo. 9Handingadi kuita sokunge ndinoda kukutyityidzirai namatsamba 10nokuti zvinonzi, “Matsamba ake akaomarara kwazvo uye ane simba asi kana aripo imbwende yomunhu uye pakutaura idera chairo.” 11Vanhu vakadaro ngavazive kuti zvatinotaura netsamba tisipo tinogonawo kuzvitaura tiripo.
12Hatingazviisi zvedu mubato kana kuzvienzanisa navavo vanozviisa pamusoro, vanozvitora ivo vozviita mwero wokuzviera nawo vachizvienzanisawo nezvavari.
13Isu hatidi kuzvirova dundundu zvinopfuuridza asi tichamirira pamiganhu yatakaisirwa naMwari. Imi muri mukati memiganhu iyoyo. 14Pamusana pokuti imi muri mukati memiganhu yedu hatisi kupfuuridza miganhu yedu. Ndisu takatotanga kuuya neShoko Rakanaka raKristu kwamuri. 15Naizvozvo, hatipindiridzi tichizvirovera dundundu mubasa ravamwe. Chitarisiro chedu ndechokuti chitendero chenyu pachinokura, munda wedu unobva wakurakurawo pakati penyu. 16Pakadaro tinobva takwanisa kuparidza Shoko Rakanaka munyika dziri mberi kweyenyu kuti tirege kuzozvikudza nebasa rakaitwa kare muminda yavamwe. 17Anozvirumbidza ngaazvirumbidze naTenzi 18nokuti haasi munhu anozviti ndakanaka asi anonzi naTenzi akanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Vakorinde 10: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.