Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 1:19-22

2 Vakorinde 1:19-22 SCLB

nokuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari watakaparidza pakati penyu, ini naSirivhanusi naTimoti, akanga asiri hungu nakwete. Maari maingova nahungu. Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari zvinowana hungu wazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, “Ameni” nemaari kuti Mwari arumbidzwe. Mwari ndiye anoita kuti isu nemi tive nechokwadi muupenyu hwedu muna Kristu akatiita vaKristu. Akaisa rupawo rwake patiri akatipa Mweya wake mumwoyo medu sorubatso.