Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Nhoroondo 6:12-31

2 Nhoroondo 6:12-31 SCLB

Soromoni akamira pamberi peatari yaTenzi gungano rose reIsiraeri riripo, akasimudza maoko ake. Soromoni akanga agadzira nendarira chimwe chokumira pachiri chaiita mamita maviri namasendimita makumi maviri kureba, upamhi hwacho huchiitawo mamita maviri namasendimita makumi maviri, kukwira kwacho mudenga chichiita mita rimwechete namasendimita makumi matatu akachiisa mukati menhandare, akamira pamusoro pacho. Akapfugama namabvi pamberi pegungano rose reIsiraeri akasimudzira maoko ake mudenga akanamata achiti, “Imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri, hakuna Mwari akaita semi, kumusoro kudenga kana panyika pasi pano anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena varanda vake vanofamba vakatendeseka kwaari nomwoyo wose, semi makachengeta zvamakataurira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi. Makataura imi nomuromo wenyu, noruoko rwenyu mukazvizadzikisa sezvazviri nhasi uno. Zvino Tenzi, Mwari wevaIsiraeri chengetedzai waro zvamakatsidzira zvenyu baba vangu Dhavhidhi, zvamakavataurira muchiti, hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri. Ndokungewo vana vako vachenjerera mafambiro avo vachitevedza mutemo wangu sokufamba mberi kwangu kwawakaitawo iwe. Saka zvino imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri shoko renyu ramakatsidzira muranda wenyu Dhavhidhi ngarichiitika. Chaizvo chaizvo, Mwari angaite panyika kuti pave musha wake here! Inga wani matenga kana iro denga rokumatengatenga haakwane kuti ave musha wake. Ko, kutozotiwo imba iyi yakavakwawo neniwo zvangu! Kunyange zvazvo zvakadaro Tenzi, Mwari wangu rerekerai nzeve dzenyu kumunamato wangu ini muranda wenyu nokuchichemo changu, munzwewo chichemo nomunamato wandiri kuita kwamuri kuti ziso renyu rirambe riri pamba iyoyi siku nesikati panzvimbo iyi yamakavimbisa kuzoisa zita renyu, kuitira kuti mugozonzwawo munamato wangu ini muranda wenyu wandava kuitira nzvimbo ino. Inzwaiwo chichemo ichi changu ini muranda wenyu nechevanhu venyu vaIsiraeri, pavanonamata vakaringira kunzvimbo ino. Vanzwei muri kudenga kwamunogara, pamunenge manzwa muvaregererewo. “Kana munhu akatadzira mumwe wake, akange anzi apike mhiko, akauya akasvikopika mhiko yake pamberi peatari yenyu mumba muno, pakadaro imi teererai muri kudenga uku muwane chamungaite nazvo, muteme zvinowirirana nemhosva yacho, Ane mhosva muti apfukirwe nemhosva yake, anengewo asina mhosva mudure pachena kuti haana mhosva maererano nokururamawo kwake. “Kana vanhu venyu vaIsiraeri vakakundwa navavengi pamusana pokuti vakakutadzirai, vakange vadzokerazve kwamuri, vokuyeukai zvino nezita, vakanamata vachiisa zvichemo zvavo kwamuri mumba muno, vanzwei kudenga ikoko muregererewo vanhu venyu vaIsiraeri chitadzo ichocho, muvadzorere kunyika yamakapa madzitateguru avo. “Kana denga richinge rapfigwa, kurega kunaya mvura pamusana pokuti vakakutadzirai, vakanamata vakazvirereka vakaringa kuno uku vakakuyeukai nezita, vakakanda pasi chitadzo chavo imi manga mambovaonesa nhamo vanzwei kudenga ikoko, muregererewo muranda wenyu navanhu venyu vaIsiraeri chitadzo chavo muvadzidzise makwara akanaka okuti vafambe nawo mupe mvura nyika yenyu yamakapa vanhu venyu senhaka yavo. “Kana munyika ino mukaita nzara kana kuti mukaita denda kana zvikukuve kana chiundudzi, kanawo kukauya mhashu kana rukonye kana kuti vavengi vavo vakavatambudza munyika muno, muguta ravo ripi zvaro, kunyange nyatwa ipi zvayo kana kukava nechirwere chipi nechipi zvacho; vanhu venyu vose vaIsiraeri kana kuti ani naani zvake anenge aine nhuna dzaari kunzwa mumwoyo wake kana chimwe chinomutambudza akazotambanudza maoko akaringa kumba ino achiita munamato upi zvawo kana kuisa chichemo chipi nechipi zvacho munzwei kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara, mumuregererewo sezvo muchiziva zviri mumwoyo make mubatsirei zvichienderanawo namaitiro ake (nokuti imi moga ndimi munoziva zviri mumwoyo womunhu) kuitira kuti vagare vachikutyai vachitevedza makwara enyu misi yose yavachagara munyika yamakapa madzitateguru avo.