Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Nhoroondo 5:1-14

2 Nhoroondo 5:1-14 SCLB

Sokudaro basa rose rakaitwa naSoromoni remba yaTenzi rakapera. Soromoniwo akauya nezvinhu zvababa wake Dhavhidhi zvakanga zvapirwa kuna Mwari zvaiti: sirivha nendarama nemidziyo yose akazvirongedza maichengeterwa upfumi hwemba yaMwari. Soromoni akazokokorodza vakuru vakuru veIsiraeri navakuru vakuru vose vamadzinza avo, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avanhu vechiIsiraeri kuJerusaremu kuti vaende kundotora bhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi, guta reZioni. Saizvozvo varume vose veIsiraeri vakaungana kuna mambo pamazuva makuru muri mumwedzi wechinomwe. Vakuru vakuru vose veIsiraeri pavakasvika, vaRevhi vakandotakura bhokisi rechitenderano. Vakaunza bhokisi rechitenderano netendhe rokusanganira nemidziyo yose inoera yaiva mutendhe racho. Vapristi nevaRevhi ndovakauya nazvo. Mambo Soromoni negungano rose reIsiraeri rakanga raungana kwaari vaiva pamberi pebhokisi rechitenderano ipapo vachipira hwai nemombe zhinji dzisingaverengeki kana kugona kuverengetwa. Vapristi vakazondoisa bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo paro, munzvimbo inoera mukamba komukatikati kemba iyoyi, munzvimbo inoeresesa munyasi memapapiro amakerubhu aye. Chaivepo ndechokuti, makerubhu acho akanga akatambanudzira mapapiro pamusoro penzvimbo yebhokisi rechitenderano zvokuti makerubhu iwayo aiva akafugidza bhokisi rechitenderano iri namapango aro okuritakurisa. Mapango iwayo akanga akareba zvokuti kwokupedzesera kwawo kwaitoonekwawo kunyange neari munzvimbo inoera, tisati tapinda munzvimbo inoera, kamba komukatikati kaye. Asi akanga asingaoneke nomunhu ari kunze, achiriko nanhasi uno. Mubhokisi rechitenderano makanga musina chimwe chinhu kunze kwamafendefa maviri aye akaiswamo naMosesi kuHorebhu, kwakaita Tenzi chitenderano navanhu veIsiraeri pavakabuda muIjipiti. Pakazobuda vapristi munzvimbo inoera, vapristi vose ivava vaivapo vakatenge vambozvichenura pasina kuti uyu ndowebato ripi, vaimbi vose vekwaRevhi vanaAsafu naHemani naJedhutuni navanakomana vavo nehama dzavo vakanga vakapfeka hanzu dzerineni dzakanakisisa kwazvo vaina makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendami vakamira kumabvazuva kweatari pamwechete navapristi zana namakumi maviri vokuridza mabhosvo; basa revokuridza mabhosvo ivava navaimbi ava riri rokuburitsa mumhanzi pamwechete vachirumbidza Tenzi vachimutenda. Rwiyo ndokubva rwanzi povo kukagoridzwa mabhosvo namakwakwakwa acho nezvimwewo zvokuridzisa mumhanzi vachirumbidza Tenzi vachiti, “Nokuti wakanaka uye mwoyochena wake haupere,” imba iyoyo, imba yaTenzi yakazadzwa negore. Zvokuti vapristi vakatadza kuita basa ravo pamusana pegore iroro nokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwazadza imba yaMwari.