Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Timoti 4:7-16

1 Timoti 4:7-16 SCLB

Siyana nengano dzisina Mwari uye dzisina musoro. Zvidzidzise kuita zvina Mwari mukati. Kuzviswatudza muviri kune basawo asi kuzviswatudza kune zvaMwari kunobatsira nenzira dzose nokuti kunotsidzira mubayiro paupenyu hwapasi pano noupenyu hwokudenga. Iyi itsumo yakanaka uye inonyatsogamuchirika. Izvozvi ndizvo zvatinobindukira tichishingairira nokuti chitarisiro chedu chiri muna Mwari mupenyu, mununuri wavanhu vose zvikuru avo vanotenda. Unofanira kutaura uchidzidzisa zvinhu izvi. Ngaparege kuva nomunhu anokushora pamusana pokuti uri muduku asi iwe iva muenzaniso wakanaka kuna vatendi mukutaura nomuzviito nomurudo nomuchitendero nomuutsvene. Kusvikira ndauya, verengera vanhu Magwaro Matsvene uchiparidza uye uchidzidzisa. Usarege kuita hanya nechipo chaunacho chawakapiwa nezwi rechiporofita, dare ravakuru vakuru vesangano pavakaisa maoko avo pauri. Ita zvinhu izvi uzvipire mazviri kuti vose vaone kubudirira kwako. Zvichenjerere iwe pachako uchichenjererawo zvaunodzidzisa. Zvibatisise izvozvo nokuti nokuita izvozvo unozviponesa iwe pachako navanokunzwa.

Verenga chikamu 1 Timoti 4