Asi urambe ngano dzisina hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hazvo, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya. Ishoko rachokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo. Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda. Rayira nokudzidzisa zvinhu izvi. Munhu ngaarege kuvapo anozvidza uduku hwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambiro, naparudo, napakutenda, napakuchena kwomwoyo. Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa, kusvikira ndichiuya. Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, chawakapiwa nokuporofita, nokuiswa maoko avakuru. Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomwoyo wose, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose. Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.
Verenga chikamu 1 Timoti 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Timoti 4:7-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo