Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vatesaronika 4:15-17

1 Vatesaronika 4:15-17 SCLB

Izvi tinokutaurirai zviri pachena, iro ririwo shoko raTenzi kuti isu vapenyu, takasara kusvikira kuuya kwaTenzi, hatitangiri vaya varere nokutiwo Tenzi pachake achaburuka achibva kudenga pachidaidzirwa. Pachanzwika izwi romutumwa mukuru uye pacharira hwamanda yaMwari. Vakafa muna Kristu ndivo vachatanga kumuka. Zvino isu vapenyu takasara tichatorwa pamwechete navo tichiendeswa kumakore kundosangana naTenzi mumhepo. Naizvozvo ticharamba tiina Tenzi.