Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vatesaronika 3:1-13

1 Vatesaronika 3:1-13 SCLB

Patakanga tisisakwanisi kutirira izvi takasarudza kusiiwa tiri toga kuAteni. Takatumira hama yedu Timoti muranda waMwari nomubatsiri wedu munezve Shoko Rakanaka raKristu kuzokusimbisai muchitendero chenyu uye kuzokukurudzirai. Uku kwakanga kuri kuti pasave nomumwe wenyu anodzokera shure nokuda kwamatambudziko iwaya. Imi pachenyu munoziva kuti iwoyu ndiwo mugove wedu nokuti patanga tinemi, takanga takuudzai kuti, tichazotambudzika sokuitikawo kwazvakazoita, sokuzivawo kwamunoita. Pamusana paizvozvi, pandakanga ndisisakwanisi kutirira, ndakatumira munhu kuti ndizive pamuri nechitendero chenyu ndichityira kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai, basa redu rikashaya maturo. Zvino nokudzoka kwakaita Timoti achibva kwamuri akatiunzira dama rakanaka nezverudaviro rwenyu norudo rwenyu. Akatitaurira kuti imi munogara muchitifunga munezvakanaka nguva dzose uye kuti munokarira kutiona sokusuwirawo kwatinoita kukuonai. Nechikonzero ichochi, hama dzangu, munhamo namatambudziko edu, takanyaradzwa nechitendero chenyu. Zvino tasimbaradzwa upenyu kana mukasimba kudaro muna Tenzi. Mwari tingamutende neiko nezvenyu pamusana perufaro rwose rwatinonzwa pamusoro penyu pamberi paMwari wedu siku nesikati tichibva tanyatsonamatawo kuti tizoonana uso nouso tichizokupai zvimwe zvamusina mukutenda kwenyu. Dai Mwari wedu naBaba vedu pachavo naiye Tenzi wedu Jesu angotitungamirirawo nzira yedu kwamuri. Dai Tenzi vangoita kuti kudana kwenyu kuwande kufashukire uye kusvike kuna vanhu vose sokukudai kwatinoita kuti asimbaradze mwoyo yenyu ive isina chinoshoreka pautsvene uye iri mitsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu pakuuya kwaTenzi wedu Jesu navatsvene vake vose.