Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vatesaronika 1:4-10

1 Vatesaronika 1:4-10 SCLB

Tinoziva, hama dzangu, imi vadiwa vaMwari kuti Mwari akakusarudzai nokuti Shoko redu Rakanaka rakauya kwamuri, kwete zvepamuromo chete asi nesimba naMweya Mutsvene uye nechivimbo chizere. Imi munoziva kuti takaratidza kuti tiri vanhuyi zvataiva pakati penyu tichizviitira imimi. Imi makatitevedzera mukatevedzerawo Tenzi nokuti makagamuchira shoko irori muri munhamo huru asi makarigamuchira norufaro muchifemerwa naMweya Mutsvene, zvokuti makava muenzaniso kuvatendi vose vokuMasedhonia nokuAkaya. Shoko raTenzi richibva kwamuri harina kungonzwika kuMasedhonia nokuAkaya koga asi chitendero chenyu muna Mwari chakasvika kose kose zvokuti hapana chatingataure. Chiripo ndechokuti ivowo pachavo vanotaura kuti makatigamuchira zvakadii pakati penyu uye kuti makasiya zvokunamata mifananidzo muchipindukira kuna Mwari kuti munamate Mwari mupenyu wechokwadi, uye kumirira kwamunoita Mwanakomana wake kubva kudenga iye waakamutsa kuvakafa, Jesu anotinunura kuhasha dzaMwari dziri kuuya.