Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 31:4-5

1 Samueri 31:4-5 SCLB

Sauro akati kune wokumutakurira zvombo zvehondo, “Buritsa bakatwa rako mumuhara undibaye naro, vangadaro vanhu ava vasina kudzingiswa vakauya vakandibaya, ivo, vachindiita zvavo chiseko.” Asi wokumutakurira zvombo zvehondo uyu akaramba nokuti akatya kwazvo. Sauro ndokubva atora bakatwa rake pachake ndokuzviwisira pariri. Uya aimutakurira zvombo zvehondo achionawo kuti Sauro afa, naiyewo akazviwisira pabakatwa rake, akafawo pamwechete naye.