Ipapo Sauro akati kunowaibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandibaye, nokundidadira.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri. Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati achiona kuti Sauro wafa, naiye akazviwisira pamunondo wakewo, akafa pamwechete naye.
Verenga chikamu 1 Samueri 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 31:4-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo