Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 3:7-9

1 Samueri 3:7-9 SCLB

Samueri akanga asati amboziva Tenzi, nokuti Tenzi akanga asati ambotaura naye. Tenzi akadaidzazve Sumueri kechitatu. Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Eri akazoziva kuti ndiTenzi aidaidza mwana uyu. Saka Eri akati kuna Samueri, “Chidzokera zvako undorara, kana akakudaidzazve unodaira uchiti, ‘Taurai zvenyu imi Tenzi, ini muranda wenyu ndakateerera.’ ” Samueri akaenda zvake akarara panzvimbo yake.

Verenga chikamu 1 Samueri 3