Mukomana Samueri aishandira Tenzi ari mumaoko aEri. Mazuva iwayo Tenzi akanga asisataure-taure kuvanhu. Kunyeverawo vanhu nezviratidzo kwakanga kwava kushoma chaizvo. Panguva iyoyo zvakaitika kuti mumwe musi Eri akanga arere mumba make, izvozvo meso ake akanga ava kuonera madzerere asisanyatsoona. Rambi raMwari rakanga risati radzima. Samueri akanga arerewo muTemberi yaTenzi maiva nebhokisi raMwari reChitenderano. Ipapo Tenzi ndopaakadaidza Samueri achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri akapindura achiti, “Ndiri pano.” Samueri akamhanyira kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Asi Eri akati, “Handina kukudaidza, dzokera undorara zvako.” Akabva adzokera zvake kundorara. Tenzi akadaidzazve achiti, “Samueri!” Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akandoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Asi Eri akati, “Handina kukudaidza, mwanangu, dzokera undorara zvako.” Samueri akanga asati amboziva Tenzi, nokuti Tenzi akanga asati ambotaura naye. Tenzi akadaidzazve Sumueri kechitatu. Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Eri akazoziva kuti ndiTenzi aidaidza mwana uyu. Saka Eri akati kuna Samueri, “Chidzokera zvako undorara, kana akakudaidzazve unodaira uchiti, ‘Taurai zvenyu imi Tenzi, ini muranda wenyu ndakateerera.’ ” Samueri akaenda zvake akarara panzvimbo yake. Tenzi akauya akamira ndokudaidza sezvaakamboita padzimwe nguva dziya achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri ndokuti, “Taurai zvenyu, muranda wenyu ndakateerera.”
Verenga chikamu 1 Samueri 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 3:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo