Hana akadetemba kunamata achiti: “Mwoyo wangu unofara naTenzi naiye Tenzi ndasimbaradzwa nomuromo wangu ndavakutotafurirawo vavengi vangu nokuti ndinofara nokununura kwenyu. Hapana anoera saTenzi. Hakuna mumwe kusiya imi. Hakuna rimwe bako kunze kwaMwari wedu. Musambotaura zvenyu namazwi okuzvikudza. Mukanwa menyu ngamurege kubuda mazwi okuzvitutumadza, nokuti Tenzi ndiMwari anoziva zvose, ndiye ane basa rokuera zviito zvomunhu. Uta hwezvikakarara zvavanhu hwakatyorwa, vakarukutika ndivo zvino vagwinya kusimba. Vaiva hurudza ndivo vave kuita chokudya chokuruvira vaiva vomunzara, nzara yapera. Mukadzi asina mbereko ndiye obereka vana gumi nefararira. Asi mai vokubereka rudende rwavana, vava karikoga. Tenzi anouraya uye ndiye anopa upenyu. Ndiye anoendesa vanhu kunzvimbo yavashakabvu, kana kumutsa munhu. Tenzi ndiye anopa munhu urombo kana upfumi. Ndiye anodukupisa munhu kana kumukudziridza. Anosimudzira varombo kubva pamhukutu pavagere, navasina zvavanazvo kubva pazaradota, achindovagarisa navana vokumba huru, vachitowana zvavo nhaka yezvigaro zvapamusorosoro. Mbiru dzenyika ndedzaTenzi padziri ndipo paakamisa nyika. Ndiye anochengeta vatsvene vake, asi vakaipa vachitsakatiswa murima nokuti simba romunhu harisiro rinoita kuti abudirire. Vanopikisana naTenzi vachapwanywa-pwanywa, Wokumusorosoro paanotinhira kumatenga. Tenzi ndiye mutongi wapasi pose, anopa simba mambo wake, anosimbaradza munhu wake waakazodza.” Erikana akadzokera zvake kumusha kwake kuRama. Asi mukomana uya akasara ari mumaoko omupristi Eri achishandira Tenzi.
Verenga chikamu 1 Samueri 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 2:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo