Pakapedza Dhavhidhi kutaura naSauro, pakabva pamuka ushamwari chaihwoihwo hwapamwoyo pakati paJonatani naDhavhidhi. Jonatani akamuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Sauro akamutora zuva iroro akamurambidza kudzokera kumusha kwababa vake. Jonatani akaita chitsidzirano naDhavhidhi pamusana pokuti aimuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Jonatani akabvisa gemenzi rake raaiva akapfeka, akapa Dhavhidhi nechidemataure chokuzvidzivirira nacho muhondo kunyangewo nebakatwa rake nouta hwake nebhande rake. Dhavhidhi aibudirira kupi nokupi zvako kwaainge atumwa naSauro. Saurowo ndokubva amuita mutungamiriri wavarwi vehondo. Izvi zvakafadza vanhu vose namakurukota aSauro.
Pavakanga vachidzokera kumusha, Dhavhidhi abva mukuuraya muFirisitia uya, vakadzi vakabuda mumaguta ose eIsiraeri vachiimba vaine vamwe vaitamba kuzochingura mambo Sauro vaine ngoma, vachipembera kufara vaine zvimwewo zvairidzwa. Vakadzi ava vachidairana vachipembera kufara vachiti,
“Sauro wakauraya zviuru
asi Dhavhidhi makumi namakumi
ezviuru.”
Izvi hazvina kufadza Sauro, akatsamwa kwazvo nezvaitaurwa. Akati, “Heya vava kutopa zvavo Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru nhai? Ini vachindipa zviuru chete? Chavasara kumupa zvino ipapa chii, umamboka chete?” Kubvira musi iwoyo Sauro akabva avakuitira Dhavhidhi shanje.
Ramangwana racho mweya wakaipa wakabva kuna Mwari ukawira Sauro ukamupengesa mumba make imomo. Dhavhidhi akanga achiridza dimbwa samazuva ose, izvozvo Sauro pfumo riri mumaoko. Sauro akakanda Dhavhidhi pfumo achiti regai ndimubayirire naro kumadziro, Dhavhidhi akaita zvokurinzvenga ruviri rwose.
Sauro akanga ava kutya Dhavhidhi nokuti Tenzi akanga aina Dhavhidhi, asiya Sauro. Nokudaro Sauro akaendesa Dhavhidhi kure naye akamuita mutungamiriri wechiuru. Dhavhidhi ndiye aitungamirira vanhu vacho. Aibudirira mune zvose zvaaiita nokuti Tenzi aiva naye. Sauro paakaona kuti Dhavhidhi ari kubudirira zvikuru kwazvo, akamutya. Asi vaIsiraeri vose novokwaJudha vaimuda nokuti aivatungamirira.
Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Chinzwa, pane mukunda wangu Merabhu ndichakupa zvangu kuti ave mukadzi wako, ndokunge chete waita chivindi chokundirwirira hondo dzaTenzi,” nokuti Sauro aiti, “Chiregai ini ndirege kubata ropa rake achiurayiwa zvake navaFirisitia.”
Dhavhidhi akapindurawo Sauro achiti, “Ndiri aniwo zvangu ini kana iyowo mhuri yedu nemba yokwababa wangu muIsiraeri kuti ndinziwo mukuwasha wamambo?” Asi panguva yainge Merabhu, mukunda waSauro aifanira kupiwa kuna Dhavhidhi akabva apiwa kuna Adhirieri muMehorati kuti ave mukadzi wake.
Mikari mukunda waSauro akadanana naDhavhidhi vanhu vakazvisvitsawo kuna Sauro, akafadzwa nazvo. Sauro akazviti mumwoyo, “Regai ndichimupa zvangu iyeyu. Ndiye wondomuteya naye kuitira kuti aurayiwe navaFirisitia.” Naizvozvo Sauro akataurira Dhavhidhi rwechipiri kuti, “Zvazvinoka, wochiva zvako mukuwasha wangu.” Sauro akasimbisa kurayira makurukota ake achiti, “Taurirai Dhavhidhi muchivande kuti, ‘Onaka iwe, mambo ari kufadzwa newe, uye makurukota ake ose anokuda. Zvino chiva zvako mukuwasha wamambo.’ ”
Makurukota aSauro akataurira Dhavhidhi shoko iri. Dhavhidhi akati, “Heya munoti chinhu chidiki kuva mukuwasha wamambo nhai, pangu panowo iyeni murombo ndakadai?”
Makurukota aSauro akamutaurira kuti, “Ndozviri kutaurwa naDhavhidhi izvi.” Sauro ndokuti, “Zvamuchaudza Dhavhidhi ndezvizvi, ‘Mambo haana mhosva zvake nezvokusweropiwa roora. Chaanongoda chete kupiwa zana rezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia kuti atsividze vavengi vake.’ ” Chaivavarirwa naSauro chaicho, chaiva chokuti aurayise Dhavhidhi navaFirisitia. Makurukota ake paakataurira Dhavhidhi shoko iri Dhavhidhi akafadzwa nazvo kuti avewo mukuwasha wamambo. Nguva yakanga yatemwa isati yambopera, Dhavhidhi navarwi vake vakasimuka vakaenda vakandouraya vaFirisitia mazana maviri. Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi zvikapiwa kuna mambo zviri zvose zvazvo kuitira kuti ave mukuwasha wamambo. Sauro akamupa Mikari mukunda wake kuti ave mukadzi wake.
Asi Sauro paakaona nokunzwa kuti Tenzi ana Dhavhidhi, kuti Isiraeri yose yaimuda, Sauro akatonyanya kutya Dhavhidhi. Naizvozvo Sauro akaramba ava muvengi waDhavhidhi.
Vatungamiriri vehondo dzavaFirisitia vaiuya kuhondo, pose pavaiendako Dhavhidhi ndiye aibudirira zvakanyanya kupfuura vamwe vatungamiriri vose vokwaSauro zita rake rikava nomukurumbira kwazvo.