MuFirisitia uya akabva auya chaizvo kuna Dhavhidhi ikoko, wokumutakurira nhoo uya ari mberi kwake. MuFirisitia akatarisa akaona Dhavhidhi akamushora nokuti aingovawo zvake jaya rakatsvukuruka rine chimirowo zvacho chakanaka. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri mbwa here yaunouya wakabatira shamhu? MuFirisitia akarengerera achishurikidzira Dhavhidhi rushambwa runobva kuna vamwari vake.” MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Uya kwandiri! Nyama yako ndichaipa kushiri dzedenga nokumhuka dzesango.” Dhavhidhi ndokuti kumuFirisitia, “Iwe uri kundivinga nebakatwa nepfumo nemharu, asi ini ndiri kukuvinga muzita raTenzi Samasimbaose, Mwari wehondo dzavaIsiraeri waunoshora. Nhasi uno Tenzi achakuisa mumaoko angu, ndichakuuraya ndokudimura musoro. Iye nhasi uno wakare ndichapa zvitunha zvehondo yavaFirisitia kushiri dzedenga nokuzvikara zvapasi pano zvigozivikanwa pasi pose kuti muIsiraeri muna Mwari. Uyewo kuti gungano iri rose rizive kuti Tenzi haanunure vanhu nebakatwa kana nepfumo nokuti hondo iri mumaoko aTenzi. Atokuisai mumaoko medu.” MuFirisitia uyu akabva amuka wokanyaira kuvinga Dhavhidhi. Dhavhidhi akakasika akadididzawo kundosangana nomuFirisitia uya munhandare yokurwa. Dhavhidhi akapinza ruoko munhava yake akatora kanhombo akakavheyesa nechimviriri ndokukobora muFirisitia pahuma. Dombo ndokubva rati vido kunyura muhuma yake. MuFirisitia uya ndokubva awira pasi nouso. Dhavhidhi akakurira muFirisitia nechimviriri nekabwe; akakobora muFirisitia akamuuraya asi Dhavhidhi akanga asina bakatwa mumaoko.
Verenga chikamu 1 Samueri 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 17:41-50
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo