Kunemi munotenda, akakosha asi kune vasingatendi, dombo iroro rakarambwa navavaki, ndiro rava dombo rine basa guru rapakona. Pamwewo panoti, ‘Iri ndiro dombo richagumbura vanhu, ibwe richaita kuti vaputsike.’ ” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko sokurongerwa kwavakaitwa. Asi imi muri rudzi rwakasarudzwa, vapristi vokumba huru, rudzi runoera, vanhu vaMwari kuti muparidze mabasa anoshamisa ouya akakudaidzai kuti mubve murima muchipinda muchiedza chake chinoshamisa. Makambenge musiri rudzi, asi iye zvino mava rudzi rwaMwari. Makambenge musina kuitirwa tsitsi asi zvino makaitirwa tsitsi.
Verenga chikamu 1 Pita 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Pita 2:7-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo