Makambenge musiri rudzi, asi iye zvino mava rudzi rwaMwari. Makambenge musina kuitirwa tsitsi asi zvino makaitirwa tsitsi. Vadikanwi ndinokukurudzirai savauyi navatorwa kuti musiyane nehavi dzomuviri dzinorwisana nemweya wenyu. Ivai nomugariro wakanaka mukati mevechirudzi kuti kana vakakurevai savanhu vanoita zvakaipa vazoona mabasa enyu akanaka vagorumbidza Mwari paanokushanyirai.
Verenga chikamu 1 Pita 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Pita 2:10-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo