Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 5

5
Mambo Soromoni anogadzirira kuvaka imba yaMwari
(2 Nhor 2:1–18)
1Hiramu mambo wokuTire paakanzwa kuti vakagadza Soromoni umambo panzvimbo yababa vake, akatuma makurukota ake kwaari nokuti Hiramu uyu, chigariro chake chose akanga achinzwanana naDhavhidhi. 2Soromoni akatumirawo Hiramu shoko rokuti,
3“Munozvizivawo kuti baba
vangu Dhavhidhi havana kuzokwanisa
kuvaka imba yokuisa zita raTenzi,
Mwari wavo pamusana pedzihondo
dzaiva dzakavakomba kumativi ose.
Zvaitozoitika Tenzi aisa vavengi vavo
pasi petsoka dzavo.
4Asi pari zvino, Tenzi akandipa
runyararo kumativi ose, hakusisina
kana mhandu zvayo kunyange
chimwe chakaipa zvacho.
5Zvino ndanga ndati ndichivakira
Tenzi, Mwari wangu imba
yokuisa zita rake sokureva
kwakaita Tenzi kuna baba vangu
Dhavhidhi achiti, ‘Mwanakomana wako
wandichaisa pachigaro chako
choumambo panzvimbo pako ndiye achandivakira
imba yacho yokuisa zita rangu.’
6Zvino dai mati vashandi venyu
vanditemerewo miti yemisidhari yokuRebhanoni.
Vashandi vangu vachashanda
pamwechete nevashandi venyu.
Ini ndichakubhadharai mari
yokutambirisa vashandi venyu
sokutema kwamunenge maita.
Sokuzivawo kwamunongoita isu hatina munhu
anoziva kutema miti sezvinoita vaSidhoni.”
B: SOROMONI MUVAKI
7Pakasvika shoko raSoromoni munzeve dzaHiramu akafara kwazvo akati, “Tenzi ngaarumbidzwe adai nhasi kupa Dhavhidhi mwanakomana ano ungwaru kuti atonge rudzi rwavanhu uru rukuru kudai.” 8Hiramu akadzorawo shoko kuna Soromoni achiti,
“Shoko ramakanditumira ndakarinzwa.
Zvamakareva panyaya yemapango omusidhari
neemusaipurasi ndozvandichaita.
9Vashandi vangu vachaabvisa
kuRebhanoni vachindoaisa kugungwa.
Ndichaasunga masvinga masvinga
agoita zvokuyeredzerwako nomugungwa
asvikire kwamunenge muchida.
Ikoko ndokwandichazoasunungura
moatorerako zvenyu.
Chandingadewo kwamuri kuti mundipirewo
chokudya vomumuzinda mangu.”
10Saizvozvo Hiramu#5:10 Hiramu: MuchiHebheru panoti Hiromu. aipa Soromoni mapango ose aaida omusidhari neemusaipurasi. 11Soromoni aipawo Hiramu masaga ekoroni makumi mana ezviuru echokudya chomumuzinda make pamwechete namafuta eorivhi okusvina anokwana mazana mana ezviuru zvamarita. Soromoni aipa Hiramu izvozvi izvi gore negore.
12Tenzi akapa Soromoni uchenjeri sokumuvimbisa kwaakanga aita. Soromoni naHiramu vainzwanana vakatosvika pakuita chibvumirano pauviri hwavo.
13Mambo Soromoni akati muIsiraeri mose munyorwe vanhu vebasa rechibharo kukawanikwa varume makumi matatu ezviuru vebasa racho rechibharo. 14Akavatumira kuRebhanoni. Aivatumira vari muchikwata chine vanhu gumi rezviuru pamwedzi woga woga. Vaipedza mwedzi vari kuRebhanoni mimwe miviri vaipedzera vari kumusha. Adhoniramu ndiye aiva mukuru mukuru wokuona nezvebasa rechibharo. 15Soromoni aivawo namakumi manomwe ezviuru zvevatakuri vezvinhu navavezi vamatombo makumi masere ezviuru zvavanhu vaiva kunyika yokumakomo. 16Soromoni aivawo navakuru vakuru vokutungamirira basa vaitarisa vanhu vaishanda basa irori vaikwana zviuru zvitatu zvine mazana matatu. 17Mambo akapa chirevo, ivo vakakwakwanura mazibwe anokosha okuvakisa ugaro hwemba yacho namabwe akavezwa. 18Naizvozvo vavaki vokwaSoromoni nevokwaHiramu navarume vokuGebhari ndivo vaitema miti nokuveza mapango namabwe okuvakisa imba yacho.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Madzimambo 5: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda