Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 19:1-5

1 Madzimambo 19:1-5 SCLB

Ahabhu akataurira Izebhero zvose zvakanga zvaitwa naEriya nokuuraya kwaakaita vaporofita vose nebakatwa. Jezebhero ndokubva atumira nhume kuna Eriya achiti, “Chokwadi chaizvo, vamwari ngavandione kana mangwana panguva yakare ino iyi ndikarega kunge ndaita kuti upenyu hwako huite sehwemumwe wavo.” Pamusana pokutyira upenyu hwake akasimuka akatiza akaenda kuBheerishebha kwaJudha akasiya mushandi wake ikoko. Asi iye akafamba rwendo rwomuswere wose wezuva achienda mugwenga. Akasvika akagara zvake munyasi mechigwenzi chomutsvairo achitokumbira kuti dai achisva afa zvake achiti, “Zvakwana zvino izvi Tenzi, chitonditorai zvenyu ndife nokuti chandazovawo nani kumadzibaba angu hapana.” Akabva ati zvake umburu kurara munyasi mechigwenzi chomutsvairo ndiye rororo kukotsira. Mutumwa ndiye pakarepo vhu ndokumuzunza achiti, “Muka udye.”