Panguva iyoyo Jerobhoamu paakabuda muJerusaremu, muporofita Ahiya wokuShiro akamuona panzira. Ipapo Ahiya akanga akapfeka hanzu itsva izvozvo vainge vari voga voga pauviri hwavo musango imomo. Ahiya akabata hanzu itsva yaaiva akapfeka akaibvarura-bvarura muzvipenga gumi nezviviri. Akati kuna Jerobhoamu, “Tora zvako zvipenga gumi izvi nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Zvavapo ndezvizvi, ndava kuzomwaura kuna Soromoni umambo ndichikupa madzinza gumi. Asi iye achangozova nedzinza rimwechete kuri kuitira muranda wangu Dhavhidhi uyewo pamusana peguta reJerusaremu guta randakasarudza mukati memadzinza ose avaIsiraeri. Ndiri kuita izvi pamusana pokuti vakandifuratira vavakundopfugamira zvavo Ashitoreti mwari weSidhoni wechikadzi naKemoshi mwari wevaMoabhu uye Mirikomu mwari wevaAmori vakasiya kufamba mumakwara angu. Zvokuita zvakanaka izvi zvandinoda vakakanda pasi. Zvaiita baba vake Dhavhidhi zvokuchengeta mirao yangu nezvirevo zvangu vakakandawo pasi. Zvakadaro zvazvo handisi kuzomutorera nyika yacho yose, asi ndichaita kuti ave mutongi upenyu hwake hwose, kuitira murunda wangu Dhavhidhi wandakasarudza akachengetawo mirao yangu nemitemo yangu. Asi ndichatorera mumaoko emwanakomana wake umambo hwaanahwo ndigopa kwauri iwe umambo hwemadzinza gumi. Kunyange zvakadaro zvazvo, kumwanakomana wake iyeyo ndichapa dzinza rimwechete kuitira kuti muranda wangu Dhavhidhi awanewo kamoto kanoramboti roi roi mazuva ose pandiri muJerusaremu guta randakasarudzira kuisa zita rangu, ndichitorawo iwe kuti utonge pamadiro ako ose uri mambo wokwaIsiraeri. Kana ukateerera zvose zvandinokuudza, ukafamba nomumakwara angu, uchiita zvinhu zvakanaka kwandiri uchichengeta mirao yangu nemitemo yangu sezvaiita muranda wangu Dhavhidhi, ndichava newe. Ndichaitawo kuti umambo hupinde mumba mako hubatirire sokuvaka kwandakaita imba yaDhavhidhi iwe ndigokupa vokwaIsiraeri. Pamusana paizvozvi ndichambodukupisa zvizvarwa zvokwaDhavhidhi, asi kwete zvokubva zvangogara zvakadaro.’ ”
Verenga chikamu 1 Madzimambo 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Madzimambo 11:29-39
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo