Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 4:7-16

1 Johani 4:7-16 SCLB

Vadikanwi ngatidananei nokuti rudo runobva kuna Mwari. Munhu wose ano rudo akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Asina rudo haazivi Mwari nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa pakati pedu nezvizvi zvokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake mumwechete pasi pano kuti tiraramiswe naye. Urwu ndirwo rudo sezvarwuri izvi kwete rwokuti isu ndisu takada Mwari asi rwokuti iye ndiye akatida. Akatitumira Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chokupfupira zvitadzo zvedu. Vadikanwi, kana Mwari akatida zvakadai isuwo tinofanira kudanana. Hapana munhu ati amboona Mwari asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri uye rudo rwake matiri runobva rwazadziswa zvokuperera. Zvatinoziva nazvo kuti tigere takabatana naMwari uye kuti Mwari agere abatana nesu ndezvizvi zvokuti iye akatipa Mweya wake. Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma mwanakomana wavo somununuri wapasi. Munhu wose anopupura kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari iye anogarawo muna Mwari. Saizvozvo tinoziva uye tinotenda murudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo; munhu anogara murudo anogarawo muna Mwari Mwariwo anoramba ainaye.

Verenga chikamu 1 Johani 4