Saizvozvo tinoziva uye tinotenda murudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo; munhu anogara murudo anogarawo muna Mwari Mwariwo anoramba ainaye. Muna izvozvi, rudo runobva rwazadzikiswa zvokuperera matiri kuti tive neruvimbo pamusi wokutongwa, nokuti zvaari ndizvowo zvatiri pasi pano. Pane rudo hapana kutya uye rudo rwakaperera runodzinga kutya nokuti uyo anotya anenge achitya kurangwa. Munhu anotya kurangwa rudo rwake haruna kuperera. Isu tine rudo nokuti akatanga kutida. Kana munhu achiti anoda Mwari asi achivenga mumwe wake, munyepi nokuti asingadi mumwe wake waanoona, haangakwanisi kuda Mwari waasati amboona. Mutemo watinawo unobva kwaari ndouyu unoti: Munhu anoda Mwari anofanirawo kuda mumwe wake.
Verenga chikamu 1 Johani 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Johani 4:16-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo